Mimosa yakabatsira Chitungwiza Hospital

KAMBANI yeMimosa Mine yakapa rubatsiro rwe$30 000 kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital iyo ichashandiswa mukuvandudza zvivakwa pachipatara chikuru ichi.

Vachitaura pachiitiko ichi, pazuva rekupedza zvidzidzo kwevakoti nananyamukuta 240 nguva pfupi yadarika, sachigaro weMimosa Mine, VaWinston Chitando, vakati kambani yavo ine chishuwo chekusimudzira nyaya dzeutano munyika.

“Tiri kupa mari iyi, $30 000, yekuvandudza chipatara ichi kunzvimbo inorapirwa varwere. Hakasi kekutanga kubatsira zvipatara. Takavamba kare kubatsira muzvipatara uye donzvo redu nderekuvandudza nyaya dzeutano munyika,” vakadaro VaChitando.

Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza weChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vakarumbidza vakoti pamwe navananyamukuta vakapedza zvidzidzo zvavo vachiti chishuwo chavo ndechekuti vachaita basa ravo nemazvo.

“Mapedza zvidzidzo kuratidza kuti makunda uye mave neruzivo rwezvamakadzidziswa. Donzvo ravepo nderekunovandudza utano muzvipatara nemakirinika kwamave kuenda,” vakadaro Dr Moyo.

Vakakurudzira vakoti nananyamukuta ava kuti vave neshungu dzekuenderera mberi nezvidzidzo zvakananga kuvandudza ruzivo mubasa ravo.

“Rambai makadaro muchienderera mberi nekuvandudza dzidzo yamatanga zvinova zvakare zvinovandudzawo nyaya dzeutano munyika,” vakadaro Dr Moyo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *