Ndakaberekerwa kushandira nyika: Suluman

Trust Khosa

MUIMBI ane mukurumbira wemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti akaberekerwa kuti ashandire nyika pamwe chete nekuunza mufaro kumamiriyoni ezvizvarwa zveZimbabwe.

Shasha iyi yechikwata cheOrchestra Dendera Kings yakataura mashoko aya apo Zimbabwe yakatarisana nekusvitsa makore 46 yawana kuzvitonga kuzere uye mhemberero huru dzichaitwa nomusi wa18 Kubvumbi paMaphisa Growth Point, kuMatobo, kuMatabeleland South.

Mhemberero idzi dzichaitwa pasi pedingindira rinoti “Zim@46 — Kubatana neBudiriro zvakanangana nemuono weVision 2030”.

Muhurukuro neZimpapers Arts and Entertainment Hub, Suluman anoti akazvipira kuona kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvavaraidzwa kuburikidza nemimhanzi.

“Ndinoda nyika yangu uye hapana chinokwanisa kubvisa izvi,” anodaro Suluman.

“Pose pandinoridza pachiitiko chenyika, ndinonzwa kuropafadzwa; zvinoita kuti ndinzwe kuti ndinofanira kuita zvinhu zvakarongeka uye zvichindisunda kuti ndiitire nyika yedu nemwoyo wose.”

Anoti akazvipira kusiya nhoroondo inogara nekusingaperi semuimbi.

“Sevaimbi, tine kumwe kudanwa kwakasanangurika kuitira kuona kuti vatsigiri vafadzwa. Seni, ndinoda zvose zvandinoita uye vatsigiri vachagara vari ivo vanondipupurira. Hazviiti kuti ndinyengedze vatsigiri vangu nokuti ndakaberekerwa kuita izvozvo. Nerimwe divi, ndiri muuto akadzidzira basa uye izvozvo zvoga zvinofanirwa kukuudza zvimwe zvinhu.”

Muimbi uyu, uyo ari kuunganidza chaunga kumashoo aari kuita pari zvino, anoti anoda kuita zvinorova pamhemberero dzechi46 dzekuwana kuzvitonga kuzere munyika ino.

“Handidi kungowedzera uwandu (hwevaimbi) asi kufadza vatsigiri kuMaphisa,” anodaro.

Apo gala richaitwa kuMatabeleland, maziso ose achange ari kuzvikwata zvine mukurumbira zvemudunhu iri, izvo zvinosanganisira chinotungamirwa naJeys Marabini, Iyasa neBlack Umfolosi.

Vamwe vari kutarisirwa kuridza padopiro iri vanosanganisira Chase Skuza, Sandra Ndebele, Andy Muridzo, Dereck Mpofu, Bio Mudhimba, Admire “Chief Hwenje” Sanyanga, Gudoluhle and Friends, Dubia Masters, Bolamba Culture Birds, Zondamuthakathi Dance Group neZinja Ziyamuluma Mxolisi.

Muhurukuro nguva pfupi yadarika, Jeys Marabini — uyo zita rake chairo anonzi Majahawodwa Ndlovu — akavimbisa vatsigiri kuti akazvipira kuvafadza.

“Tiri kutarisira mhemberero dzeUhuru mushure mekudomwa pakati pevamwe vaimbi vachange varipo,” anodaro.

“Gala iri rakakosha kwatiri sezvo richaitirwa pamusuo wangu. Tinovimbisa kuita zvinorova sezvo uyu ndiwo wave mugariro wedu. Ndinokurudzira vatsigiri kuti vauye neuwandu hwavo kuzopemberera kuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

“Kutaura chokwadi, tichange tichirangarira magamba akatisiya pamwe chete nevapenyu, avo vakatirwira kubva kuutongi hwevapambepfumi. Kuzvitonga kuzere hakuna kungouya njee, uye tose tiri kufara nezvinhu zvakanaka zvatakaunzirwa nevarwi vehondo.”

Jeys Marabini anoenderera mberi achiti: “Kuvaimbi vose vachange varipo, uyu mukana wakanaka wekupa ruremekedzo kumagamba edu kuburikidza nenziyo nekutamba. Ndinovakurudzira kuti vaimbe nemwoyo wose kuitira kuti vanhu vachaona zvinenge zvichiitika vari kudzimba vanofadzwa nechiitiko ichi.”

Gadziriro dzemhemberero idzi dzasvika padanho repamusorosoro, apo migwagwa inoenda kuMaphisa iri mushishi kugadzirwa.

Vanamuzvinabhizimusi nevamwe vanotengesa zvakasiyana-siyana munzvimbo iyi vari kugadzirirawo zvakare kuuya kwevanhu vakawanda pangungano guru iri.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×