
Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki anova mutyairi wekombi uyo anobva kudunhu raMambo Chinhamora, kuDomboshava ozvidemba nekuda kwekatsika kekutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro zvichitevera kutizwa kwaakaitwa nemudzimai wake uye ndokuzopedzisira opika jeri kwemwedzi gumi nemumwe.
Lidonous Nenzou, uyo anoshandira kuCopacabana muHarare, anoti achangobva kujeri nemhosva yekuputa mutoriro nembanje uyewo nekutengesa zvinodhaka.
“Ndinonzwa kunyara chaiko nekutadzira kwandakaitira vabereki vangu nemudzimai wangu uyo akaenda kumba kwavo. Ndakatanga kutora mutoriro ndichishanda kumakombi semutyairi tichinyengerana kuti zvinopa simba rebasa saka muchiona tsaona zhinji kumakombi, vanhu vaye vanenge vakadhakwa zvisina hunhu,” anodaro Nenzou.
“Nekuda kwekudhakwa uku, ndakazotanga kunetsana nemudzimai ndichimuti aiva pfambi kusvikira atiza akadzokera kuvabereki vake kwaSupa (kwaMambo Musana, kuBindura), ndaiva nemotokari dzangu mbiri dzandakazotengesa ndichida kutenga zvinodhaka izvi zvinosanganisira mutoriro, mbanje nezvimwe.”
Murume uyu, uyo akagumira Form 3, anoti akazoigirwa terevhizheni yaive yabiwa nemumwe munhu aidawo mutoriro ndokuita mutengano wegudo.
“Ndakazoona mapurisa ave kuuya achiti tv yandaiva ndachinjanisa nemutoriro yaiva yabiwa, vachibvawo vazowana zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro nembanje ndichibva ndasungwa,” anodaro Nenzou.
Anoti akasungwa nemusi wa19 Kurume gore rakapera ndokuzotongwa nemusi wa25 Kurume akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemitanhatu.
“Mimwe mwedzi yakazosendekwa parutivi ndikazonzi ndipike mwedzi gumi nemumwechete nemazuva mashanu. Ndakapikira kumajeri anoti Harare Central prison neChikurubi, ndakazobuda musi wa5 Kurume gore rino mushure mekudzidza zvakawanda pandaiva kujeri uku,” anodaro Nenzou. Anoti akadzidza mabasa akawanda ari kujeri anosanganisira kugadzira motokari, plumbing, kurima zvakasiyana nekupfuya huku.
“Chokwadi vechidiki taparara nekuda kwezvinodhaka, kujeri ndakanosangana nevazhinji vakasungirwa nyaya idzi. Hupfumi hwangu hwakaparara nekuda kwemutoriro, handina pekutangira. Ndinotsvaga vanondibatsira kuti ndiwane zvekuita uyewo ndinokumbira mudzimai wangu kuti adzoke kumba titange hupenyu hutsva,” anodaro Nenzou.
Anoti akasiya atengesa minda mizhinji yevabereki vake achinotenga zvinodhaka.
“Nyaya hombe iri kumahwindi, vanoshanda kumakombi nevamwe vechidiki nekuti hupenyu hwavo hwaparadzwa nemutoriro nezvimwe zvinodhaka. Mutoriro unodhura nekuti unoita US$10 pagramme, pazuva unogona kushandisa mari inodarika US$50. Kuvaridzi vekombi yandaishandisa ndichitakura vanhu kubva paCopacabana ndakanga ndisisavape mari ichiperera kumutoriro,” anodaro Nenzou.
Zvisinei anoti parizvino asanduka pakutora zvinodhaka sezvo ave kuda kushandira mhuri yake.
“Ambuya vari kuda pfuma yavo kuti ndigone kutora mudzimai wangu iyo ndisina. Vabereki vangu hapana chavainacho zvakare,” anodaro Nenzou. Anoti kushaya hunhu kunoitwa nemamwe mahwindi nevatyairi vemakombi vacho kudhakwa nemutoriro nembanje.
“Kutuka vabereki nezvimwe kudhakwa nemutoriro, kana kupondana kwavo kuye vanenge vakadhakwa kuita hutsi. Saka ndinoti kune vamwe vangu ngatisiye zvinodhaka tiite vanhu kwavo,” anodaro Nenzou.
Zvakadai, mutauriri wemapurisa munyika Commissioner Paul Nyathi vanoyambira kuti mapurisa haazi kuzodzokera kumashure nekusunga vanotora zvinodhaka pamwechete nevanozvitengesa.