‘Ndakaitwa nhapwa nemutoriro’

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki anova mutyairi wekombi uyo anobva kudunhu raMambo Chinhamora, kuDomboshava ozvidemba nekuda kwekatsika kekutora zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro zvichitevera kutizwa kwaakaitwa nemudzimai wake uye ndokuzopedzisira opika jeri kwemwedzi gumi nemumwe.

Lidonous Nenzou, uyo anoshandira kuCopacabana muHarare, anoti achangobva kujeri nemhosva yekuputa mutoriro nembanje uyewo nekutengesa zvinodhaka.

“Ndinonzwa kunyara chaiko nekutadzira kwandakaitira vabereki vangu nemudzimai wangu uyo akaenda kumba kwavo. Ndakatanga kutora mutoriro ndichishanda kumakombi semutyairi tichinyengerana kuti zvinopa simba rebasa saka muchiona tsaona zhinji kumakombi, vanhu vaye vanenge vakadhakwa zvisina hunhu,” anodaro Nenzou.

“Nekuda kwekudhakwa uku, ndakazotanga kunetsana nemudzimai ndichimuti aiva pfambi kusvikira atiza akadzokera kuvabereki vake kwaSupa (kwaMambo Musana, kuBindura), ndaiva nemotokari dzangu mbiri dzandakazotengesa ndichida kutenga zvinodhaka izvi zvinosanganisira mutoriro, mbanje nezvimwe.”

Murume uyu, uyo akagumira Form 3, anoti akazoigirwa terevhizheni yaive yabiwa nemumwe munhu aidawo mutoriro ndokuita mutengano wegudo.

“Ndakazoona mapurisa ave kuuya achiti tv yandaiva ndachinjanisa nemutoriro yaiva yabiwa, vachibvawo vazowana zvinodhaka zvinosanganisira mutoriro nembanje ndichibva ndasungwa,” anodaro Nenzou.

Anoti akasungwa nemusi wa19 Kurume gore rakapera ndokuzotongwa nemusi wa25 Kurume akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi nemitanhatu.

“Mimwe mwedzi yakazosendekwa parutivi ndikazonzi ndipike mwedzi gumi nemumwechete nemazuva mashanu. Ndakapikira kumajeri anoti Harare Central prison neChikurubi, ndakazobuda musi wa5 Kurume gore rino mushure mekudzidza zvakawanda pandaiva kujeri uku,” anodaro Nenzou.  Anoti akadzidza mabasa akawanda ari kujeri anosanganisira kugadzira motokari, plumbing, kurima zvakasiyana nekupfuya huku.

“Chokwadi vechidiki taparara nekuda kwezvinodhaka, kujeri ndakanosangana nevazhinji vakasungirwa nyaya idzi. Hupfumi hwangu hwakaparara nekuda kwemutoriro, handina pekutangira. Ndinotsvaga vanondibatsira kuti ndiwane zvekuita uyewo ndinokumbira mudzimai wangu kuti adzoke kumba titange hupenyu hutsva,” anodaro Nenzou.

Anoti akasiya atengesa minda mizhinji yevabereki vake achinotenga zvinodhaka.

“Nyaya hombe iri kumahwindi, vanoshanda kumakombi nevamwe vechidiki nekuti hupenyu hwavo hwaparadzwa nemutoriro nezvimwe zvinodhaka. Mutoriro unodhura nekuti unoita US$10 pagramme, pazuva unogona kushandisa mari inodarika US$50. Kuvaridzi vekombi yandaishandisa ndichitakura vanhu kubva paCopacabana ndakanga ndisisavape mari ichiperera kumutoriro,” anodaro Nenzou.

Zvisinei anoti parizvino asanduka pakutora zvinodhaka sezvo ave kuda kushandira mhuri yake.

“Ambuya vari kuda pfuma yavo kuti ndigone kutora mudzimai wangu iyo ndisina. Vabereki vangu hapana chavainacho zvakare,” anodaro Nenzou. Anoti kushaya hunhu kunoitwa nemamwe mahwindi nevatyairi vemakombi vacho kudhakwa nemutoriro nembanje.

“Kutuka vabereki nezvimwe kudhakwa nemutoriro, kana kupondana kwavo kuye vanenge vakadhakwa kuita hutsi. Saka ndinoti kune vamwe vangu  ngatisiye zvinodhaka tiite vanhu kwavo,” anodaro Nenzou.

Zvakadai, mutauriri wemapurisa munyika Commissioner Paul Nyathi vanoyambira kuti mapurisa haazi kuzodzokera kumashure nekusunga vanotora zvinodhaka pamwechete nevanozvitengesa.

Related Posts

Herentals, Black Rhinos Queens zvorwira Uhuru Cup

Veronica Gwaze APO Zimbabwe iri kupemberera kusvitsa makore 45 yawana kuzvitonga kuzere nemusi weChishanu chino, mhemberero huru idzi dzichiitwa kwaNembudziya kuGokwe, veruzhinji vachange vaine chidokwa-dokwa chekuda kuonawo nhabvu yevanhukadzi. Kekutanga…

Zimbabwe rejoices: Uhuru @45

Zimbabwe’s Independence Day: A triumph of liberation The story of Zimbabwe’s Independence Day is deeply intertwined with the country’s journey towards sovereignty. For many years, Zimbabwe, previously known as Rhodesia,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

In Case You Missed It

President Mnangagwa delivers his keynote address at the 45th Independence Children’s Party at Nyamuroro High School in Gokwe, yesterday. — Picture: Believe Nyakudjara

Zimbabwe is one and for all

April 18, 2025

  Blessings Chidakwa Harare Bureau FIFTY (50) children from Manicaland...

‘Education key to solving community challenges’

April 18, 2025

GOVERNMENT is working tirelessly to ensure universal access to education...

All set for 45th Uhuru Musical Gala Tonight

April 18, 2025

All roads lead to Nembudziya Government High School for the...

The stinking revelations came to light following the arrest of some suspects

‘Dead man’ applies for land upgrade

April 18, 2025

  Ray Bande Senior Reporter A WELL-CRAFTED scam by a...

Man loses house over US$2500 debt

April 18, 2025

A Kuwadzana Extension couple is on the verge of losing...