Ndakamboita chipfambi: Mukadzi wemunhu

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akaroorwa akadura kuti akamboita gumbo mumba, gumbo panze ndokuzozvirega, zvisinei nekuti murume wake ari kugara achimuzvamburira nyaya iyi.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Cathrene Chatora akamhan’arira Brighton Chatora achiti ari kumuonesa pfumvu nekumurova pose paanenge anwira doro.

“Ishe wangu, ndauya kuno kuzotsvaga kudzivirirwa kumurume wangu nekuti anondirova zvisingaite, kunyanya kana adhakwa. Anozviita pamberi pemusikana webasa uye vanhu vepamba pandinogara zvekutoti zvinondidzikisira zvisingaite. Izvozvi tarisai ndine pamuviri,” akadaro Cathrene.

Brighton akaudza dare kuti mudzimai wake anonetsa uye haamutereri achiti pose paanoda kuti ataurirane naye anobva aenda panze.

“Changamire, mukadzi wangu ari ‘stubborn’ haanditereri nekundiremekedza. Akandikanganisira ndinenge ndichida kuti nditaurirane naye mubhedhuru asi iye anotanga kupopota achienda panze zvinondipa kumutevera ndonomutora zvechisimba obva ati ndamurova,” akadaro Brighton.

“Kumurova kwandakaita ndakanga ndamubata kuti ange achiita zvechipfambi ndokumurova zvechokwadi. Asi zvakangoitika kamwe chete iye ave kutoita karwiyo kekuti ndinorohwa.”

Cathrene akatsinhira kuti ichokwadi, pane nguva yaakamboita gumbo mumba, gumbo panze asi mururme wake anongoramba achimurovera nyaya iyoyo kunyangwe vakagadzirisana.

“Nyaya yekuti ndakamu ‘cheater’ zvakaitika kwemwedzi mitatu chete mugore ra2011. Asi nanhasi anondishungurudzira nyaya iyoyo asi takataurirana zvikapera.

“Ndinozviziva kuti pandakazviita ndakakanganisa akandiregerera. Asi handizivi kuti kana ogara achindirovera izvozvo achiri kundida here kana kuti ane zvimwe zvaava kutsvaga hake,” akadaro Cathrene.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Cathrene gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *