Kingstone Mapupu
MURUME anova murimi kunzvimbo yeSuri Suri kuChegutu anoti kupara mhosva hakubhadhare sezvo akadzoka kujeri, uko akapikira mhosva yekupisira munhu mumba nekuda kweUS$30, akawana mukadzi nemwana vatiza uye musha wake waparara.
VaPeter Jacob (49) vanoti vakapara mhosva yekuuraya munhu apo vakapisira murungu wechidzimai wavaishandira mumba papurazi kuMarondera mugore ra1998 mushure mekunge vanonoka kupihwa muhoro wavo.
Vakataura mashoko aya muhurukuro nguva pfupi yadarika vari kujeri reHarare Central Prison pagungano rakarongwa neZIMBABWE Prisons and Correctional Service
nesangano reDesistance Champions iro rinobatsira vanhu vaimbove kujeri.
Vanoti vakapara mhosva iyi apo vaishanda papurazi ndokutadza kunzwanana nemurungu wavo akanonoka kuvapa mari yavo yemuhoro.
“Ndaishandira papurazi rePondoroza kuMarondera kuMashonaland East ndichitambira US$30 pamwedzi uye raiva purazi raJanet Jackson. Murungu uyu akanonoka kundipa muhoro wangu mugore ra1998 ndichibva ndazofunga pfungwa dzekumurwadzisa nekupisa imba yaaigara yaiva yehuswa ye‘thatching”’ vanodaro VaJacob.
Vanoti nemusi uyu, vakambenge vaona murungu uyu achibuda pamba pake achienda kuHarare ndokuronga kuzopisa imba iyi.
Chinangwa chavo vanoti vaida kuparadza midziyo yake chete iye asipo kwete kumuuraya sezvakazoitika.
“Nguva dzeusiku ndakazoenda kumba kwemurungu uyu ndokunopisa imba yake ndisingazive kuti iye akanga adzoka. Imba iyi yakatsva zvekuita dota murungu uyu akafiramo. Ndakabva ndazosungwa ndikatongwa mugore ra1999 ndokupihwa mutongo werufu,” vanodaro VaJacob.
Vanoti vakagara mujeri vakamirira kuuraiwa kusvikira mutongo wavo wakazosandurwa kuti vagare mujeri kweupenyu hwese.
“Mumakore ose aya ndaiva ndakamirira kuuraiwa kusvikira ndakazonzi nedare ndava kuzogara mujeri kweupenyu hwese. Ndakazoburitswa mujeri nemusi wa5 Chivabvu mugore ra2020 pasi pechirongwa chePresidential amnesty,” vanodaro.
“Murungu wandakapisira mumba ndinodemba zvandakaita izvi uyewo ndinoti kuhama dzake ngadzindiregererewo nezvandakaita. Ndakazviona kuti mhosva haibhadhare apo ndakawana mudzimai aenda nemwana zvose,” vanodaro VaJacob.
Murume uyu anoti paakabva kujeri akazowanawo munda uyo ari kurima.
“Ndakazokwanisa zvangu kuroora mumwe mudzimai wandiine vana vaviri naye, mwana wangu mukuru akatiza naamai vake ndaenda kujeri uye atokura,” vanodaro VaJacob.
VaTrevor Kunaka vanova sachigaro wesangano reDesistance Champions vanoti vane zvirongwa zvekubatsira vanhu vanenge vabva kujeri kuti vatange kuita mabhindauko akasiyana-siyana senzira yekuti vawane raramo.




