‘Ndakaramwirwa vana 4’

Orpah Mukotekwa
NYAKURAMWIRWA vana 4 nemurume achinzi akanga ava kuita zvezvikomba akazokwidza kumatare edzimhosva.

Adeline Masengu akaendesa Tapiwa Tigere kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta vana ava.

Akaudza dare iri kuti: “Ishe wangu, baba ava vakandisiya vava kunotanga imwe mhuri vachindinyepera kuti ndaidanana nemumwe murume senzira yekutiza mhuri. Izvozvi vana pamwe chete neni hatina kana pekutangira, iye haanawo kana sendi raari kuunza kumba.

“Ndauya kuno kudare kuti rindibatsire akwanise kundipa $400 yekuti ndichengete vana.”

Akati Tigere anokwanisa kubvisa mari iyi nekuti ndimuzvinabhizimisi.

“Murume uyu mari iyi anoisimudza nekuti munhu ane tunhu twake. Ane mashopu maviri, iri kuMhondoro nekuHopely, uye shopu imwe neimwe iri kumupa $800. Ane matekisi maviri zvakare anomupa mari zuva nezuva. Pamari yose iyoyi hapana kana yaanokwanisawo kupa vana vake asi kuti anongodya nemukadzi wake waainaye iyeye asingacheuki vana vaakandiramwira.”

Achipawo divi rake, Tigere akati haana kana bhizimisi uye anongovawo mutyairi wematekisi uko anowana mari shoma.

“Mari yataurwa iyi yakawandisa uye amai ava vareva nhema chaidzo pamberi pedare. Handina mashopu avari kutaura aya. Handisisina kana shopu zvayo, ndaiva nazvo kare asi zvose zvikaparara. Mota dzavari kutaura kuti dzinondipa mari idzo hadzisi dzangu, ndinotova mutyairi zvakewo.

“Pamota idzi ndinowana mari shoma chaizvo zvekuti ndinokwanisa kungowana $50 pavana vese vari vana. Ndine shungu chaizvo dzekuti vana vangu vaendewo kuchikoro asi ndine imwe mhuri inoda kuriritirwa,” akadaro Tigere.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya yevaviri ava yaizodzokera mudare zvakare.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×