Nyundo odhonora mukadzi

Orpah Mukotekwa
MUKADZI wekugarozvambaradzwa neaimbove murume wake achimanikidzwa kuti vadzokerane akazopotera kudare redzimhosva.

Melinda Sakutukwa akaendesa Kenneth Nyundo kuHarare Civil Court achida $150 yemendenenzi.

“Changamire, ndauya kuno ndichida kuti baba ava vandibatsirewo kuchengeta mwana. Ndiri munhu ari kushupika siku nesikati kutsvaga kuti mwana orarame. Baba ivava vanondishungurudza zvisingaiti zvekuti ndakatozopedzisira ndatiza pamba kutyira upenyu hwangu kuti ndingauraiwe.

“Zuva nezuva ndaigarozvambaradzwa kunge nyoka yapinda mumba. Pese pandaimuudza kuti andipewo mari yekutenga chikafu chemumba ndairohwa kusvikira ndaona kuti kuenda hangu kuri nani. Ndakamboshingirira kugara asi zvakakona n’anga murapwa achida,” akadaro Sakutukwa.

Akaenderera mberi achiti Nyundo anoshanda muchiuto uye pose paanotambira mari anoipedzera kupfambi.

“Ini ndiri munhu ave kutyira upenyu hwake zvese nemwana nekuti mazuva ano kune zvirwere. Ndinogona kupihwa chirwere ndikazofa. Chinondishamisa ndechekuti baba ava vave kugara vachindinyengetedza kuti tidzokererana asi handione chiri chinhu chakanaka sezvo ini ndakatoora moyo kare. Dai zvaibvira dare randibatsirawo kuti ndipihwe $150,” akadaro.

Achipawo divi rake, Nyundo akaramba zvakataurwa naSakutukwa achiti:

“Mari yataurwa yakawandisa, ini handiikwanise. Handina mumwe mukadzi wandiri kugara naye, ndiri kuda kuti mukadzi wangu adzoke tigare tose ndichimuchengeta nemwana zvose. Handina kumbobvira ndamuramba asi iye ndiye akanditiza.

“Chikumbiro changu kuti dare rindibvumidze kumupa $70 yekuchengeta mwana sezvo ndiine vabereki vanodawo kuchengetwa neni uye mari yandiri kutambira ishoma nekuti ndine maloan andakatora kubhanga.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Nyundo abhadhare $100 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×