‘Ndakarohwa mimba ikabva’

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wemuHarare akazopotera kudare redzimhosva achida gwaro redziviriro kubva kumurume wake uyo waanoti anogara achimuzvindikita kumurova izvo zvakaita kuti azobve pamuviri nguva yadarika.Spiwe Kamanga akaudza mutongi Noah Gwatidzo wedare reHarare Civil Court kuti murume wake Wilson Chafugamoyo ane tsika yekumurova pose paanenge abva kushamwarikadzi yake.

Kamanga anoti Chafugamoyo haasi kuchengeta mhuri asi kuti anotora chikafu mumba achinopa shamwarikadzi yake uye vana haasi kuvabhadharira mari yechikoro.

Chifugamoyo anopikisana naKamanga achiti ndiye ari kumushungurudza uye akamudzinga paimba yebasa yaaigara mushure mekunge amuudza kuti anoda kuroora mudzimai wechipiri.

“Zvose izvi zvakatanga pandakamuudza kuti ndainge ndawana mudzimai wechipiri wandinoda kuroora. Ndipo paakabva andidzinga pamba yandakapihwa kubasa kuti ndigare,” anodaro Chafugamoyo.

Mutongi Gwatidzo anoti Chifugamoyo asashungurudze mudzimai wake ndokukurudzira Kamanga kuti aende kudare rinoona nezvemendenzi kana murume wake asiri kuchengeta vana vavo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *