Ndakaroyiwa here ini?

MUBVUNZO:
Sekuru, ini ndakanzi neimwe hama yangu “uchazviona” ndokunditizve handife ndakaroorwa kana kuite vana kweupenyu hwangu hwose. Nanhasi handina kuroorwa uye mwana handina. Saka toti ndakaroyiwa here?

MHINDURO:
Muzukuru iwe nevamwe vane matambudziko akadai, uyu ndiwo hunonzi huroyi chokwadi. Iyoyo imhiko, uyu munhu anotaure kudaro muroyi. Dai kainge kari kare, munhu iyeye aitoendeswa kwashe kunotonga nekuti pachivanhu hazvibvumirwe kuti uti kumumwe munhu achazviona. Zvinobva zvaita sezvineiwo munhu obva asangana nedambudziko, uwe wakambomuudza mashoko akadaro, unozviramba sei?

Nyaya dzakadai dzaitotongwa nashe, munhu oripiswa. Aibva ayambirwa kuti kana pakazowana chinowana munhu waakayambira, iye ndiye anenge akonzeresa.

Nemhaka yekuti ndiri kuti iwewe wakatoroyiwa, zvava kuda kuti uchibatsirwa nevakuru vemumhuri, mofamba kuchivanhu kuti ubviswe kana uri mweya wakaipa wakaiswa pauri. Udza vanhu vakaita satete, vabereki vako, ambuya kana sekuru avo vachafamba newe kuvanhu vanoziva kubatsira pachivanhu. Ukashandirwa zvakanaka dambudziko irori rinopera, wotoroorwa kana kuita vana.

. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×