Nadal ombozorodzwa

RAFAEL Nadal akasiiwa muchikwata cheSpain Davis Cup icho chichakwikwidza mumutambo weWorld Cup first-round match neCroatia svondo rino nekuti zvinonzi mutambi uyu akaneta zvikuru. Shasha yechitanhatu iyi pasi rose mumutambo wetenesi yakakunda mumasets mashanu naRoger Federer mumutambo weAustralian Open svondo radarika.
“Matambiro ange achiita Rafa mwedzi wadarika ange akanyanyisa zvekuti zvave kukangisa muviri wake,” akadaro Conchita Martinez uyo anove kaputeni wechikwata cheSpain Davis Cup achitaura neSpanish Tennis Federation.
Anoenderera mberi achiti, “Anoda nguva yekumbozorora kuti asvike padanho ratinomuziva ari kana ave kukwikwidza uye ndinovimba kuti mumitambo inotevera achange anesu.”
Spain yakashevedza Feliciano Lopez kuti azotsiva Nadal kumutambo wayo neCroatia iyo yakapedza gore radarika iri pechipiri. Lopez akapinda muchikwata china Roberto Bautista, Pablo Carreno naMarc Lopez icho chichakwikwidza kumutambo wekuOsijek kubva musi 3 kusvika 5 Kukadzi. – Daily Mail Tennis.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *