Ndakashinha naambuya

MAKASIMBA here tete? Ini ndiri murume ane makore 40 ekuberekwa.

Dambudziko rangu nderekuti handina mwana kana mukadzi. Ndakarerwa kumusha kwanaamai.

Pandakanga ndava nemakore angangosvika 18 ekuzvarwa, mukadzi wasekuru aipota achishinha neni mumagumbeze kana sekuru vasipo.

Nyaya iyi ndakazoiudza kuna amai vangu zvikavarwadza kwazvo. Semunhu ainge aroorwa kune mumwe murume, amai vangu vakazotaura nyaya iyi nababa vangu ndikabva ndanzi ndibve kumusha kwaana sekuru ndichinogara kuna baba vangu.

Sezvo baba vangu vakanga vari murombo, vakashaya mombe yekupa ambuya, amai vaamai, avo vakandirera.

Ini wacho tete, handisisiri murume akakwana. Ndibatsireiwo padambudziko rangu tete.

T. Sithole.

Chipinge.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rinorwadza uye rinosanganikwa naro nevakawanda, kunyanya nevanhu vanokura baba naamai vasiri pamwe chete.

Vabereki vakaparadzana mwana akarerwa mumusha musiri mababa vake, vaye vane moyo yakaoma vanotora vana ava kuvashandisa pakuisa zvose zvakaipa pavari.

Vanakomana vanoitwa varume nanaambuya, kana vasikana kuitwa vakadzi nemadzisekuru.

Muzukuru nyaya iyi usaivanze, ambuya ava ngavasungwe nemutemo, kana iri mombe yechiredzwa ngavapihwe, asiwo vanototanga vakubvisa zvakaisa pauri izvo zvave zvave kukutadzisa kuve murume akakwana. Chokwadi chiburitse pachena muzukuru ndiko kuti upenyu hwako hufambire mberi, usatye kumhan’ara.

Kana iri mombe yekurerwa kwawakaitwa naambuya ava, uchatoibvisa bedzi.

Iwe vaudze kuti kana zvinhu zvako zvakumirira mushe, iwe wave nani pamatambudziko avavakakupa, uchavapa.

Tete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×