Ndakatanga ndichiridza magaba: Mr Regie

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUIMBI weAfro-jazz, Reginald Murinda — uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti ‘Mr Regie’ — anokurudzira vechidiki kuti vasanyare kutaridza zvipo zvavo sezvo iye akatanga achiridza magaba.

Regie akaita mukurumbira mushure mekuimba kambo kanonzi “Mashura” uye parizvino akaburitsa dambarefu rechitatu rinonzi “The Early Bird.”

Anoti akatanga achiridza magaba achiri kudzidza kupuraimari mushure mekupihwa shungu namushakabvu Simon Chimbetu.

“Nziyo dzangu ndedzekudzidzisa vanhu vemunharaunda yatigere maererano nezvakasiyana zvinobvira pakuchengetedzwa kwemhuka kusvika pakutsiura vana kuti vave vanoteerera. Chakanyanya kundibata kuimba kwaiitwa nemushakabvu Simon Chimbetu uyo aiimba zvinovaka nyika yedu yeZimbabwe.

“Mushure mekunzwa mhanzi yake, ndakatanga kuridza magaba ndichiri kamwana kadiki-diki kusvikira nhasi ndave muimbi mukuru,” anodaro.

Mr Regie anoimba nechikwata chinonzi Live Reclaim Band.

“Ndakatanga nekuburitsa dambarefu rinonzi Mupembedze, rechipiri rakazonyatsoita mukurumbira rinonzi Outdoors kuchizouya itsva rinove rechitatu – Early Bird. Saka uku ndiko kufamba kwatakaita kuti tizozivikanwa munyika pamwe nekunze kwenyika kwakaita sekuZambia neBotswana,” anodaro Mr Regie.

Anoti mumhuri mavo makanga musina kana munhu mumwe chete aiita zvemimhanzi asi vakakwanisa kumukurudzira kuti asimukire.

“Matambudziko andakasangana nawo, kunyanya padambarefu rangu rekutanga, anosanganisira kusagamuchirwa zvakanaka nevatsigiri.

Patakaburitsa dambarefu redu repiri ndipo takatanga kuzivikanwa, kunyanya kunyika dzakaita seZambia, South Africa neBotswana. Saka nekudaro munhu wose kana achitanga anotosangana nematambudziko aya, hakuna anonzi anongotanga nekuzivikanwa. Ini ndiri kutarisira kuimba kusvika pana Oliver Mtukudzi uyo ave kuzivikanwa pasi rose,” anodaro Mr Regie.

Kunze kwekuimba, muchinda uyu murairidzi wechikwata chenhabvu chinonzi Reclaim Football Club.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×