Ndakazvara dzetse

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuHwedza anoti akasangana nemanenji svondo rapera zvichitevera kusununguka kwaanoti akaita datya guru rinozivikanwa nekuti dzetse mushure mekutakura mimba kwemwedzi minonwe.

Mai Mercy Dhambure (37) vanogara mubhuku raChimhanzi, kwaMakwarimba, vanoti mashura aya akaitika musi weChina chadarika.

“Ndakazvara zidatya mushure mekupedza mwedzi 7 ndichiti ndine pamuviri pane mwana. Ndaitoenda kukiriniki yekwaGoto uko ndainzi mwana wenyu ari kukura zvakanaka uye ndaisamborwadziwa nemimba iyi kusvikira svondo rakapera husiku apo ndakanzwa sendaida kuita weti. Ndipo pandakazosununguka zidzetse,” Mai Dhambure vanorondedzera. 

Mudzimai uyu anoti akatanga kunzwa kupera simba, ndokubva aridzira vamwene vake nhare apo aiva kumba kwake ivo ndokumuti aende kumba kwavo. 

“Sezvo murume wangu ainge asipo, ndakazoenda kwavamwene vangu kunovaudza nezvekupera simba kwandainzwa. Vakazondiperekedza, murume wangu ndokusvikawo ivo vamwene vodzokera kumba kwavo.

“Ndipo pandakanzwa sendava kuda kusununguka ndichibva ndagara pasi. Murume wangu akatora jira rezambiya randaiva ndakamonera ndokuriwaridza pasi apo ndakabva ndazvara dzetse asi ndisina kumbonyanyorwadziwa.

“Handina kubuda ropa kana shupa (mvura inobuda pakusununguka),” vanodaro Mai Dhambure.

Vanoti murume wavo, sezvo hwaiva husiku, akazovheneka ndokuona zidatya iri apo akanoshevedza vamwene nemamwe madzimbuya emumusha kuti vazoona mashura aya. 

“Zidatya iri raive benyu richitopfakanyika. Pandakachiona ndakada kuchema nekutya.

“Chakazotakurwa nemadzimbuya matatu emumusha apo chinonzi chakasimudza rimwe gumbo mudenga. Pane vanhu vakachiputira nezambiya vachida kunochifushira, mumwe wacho akapiringishwa nezigonzo hombe akapotsa atyoka gumbo apunzika,” vanodaro Mai Dhambure. 

Trymore Dzikiti

Mudzimai uyu anoti pamuviri apa paiva pechina sezvo aine vana vatatu. 

“Iyi yaiva nhumbu yangu yechina uye dzimwe dzose ndakasununguka zvakanaka. Ndinongoti uku kuroyiwa nekuti mazuva mashoma acho aiva adarika ndakatukwa zvinotyisa neimwe hama yedu mbudzi dzedu dzadambura dzikanodya mumunda mavo. Handina kuvadavira sezvo vakati vaida kunditema vosiya kamwana kacheche kaiva mudumbu mangu chete,” vanodaro.  

Vamwewo ambuya vemunzvimbo iyi vanonzi vakauya vachipopota mazuva mamwechete aya vachipomera vana vemudzimai uyu kuti vaitema huku dzavo. 

“Vose vakandipopotera ava havana kumbouya kuzondikumbura nekusununguka kwandakaita dzetse.” 

Mai Dhambure vanoti mushure mekuzvara dzetse iri, vakazoenda kuchipatara cheHwedza kunotariswa vakanzi vakanga vasisina pamuviri. 

“Neshungu, ndakadzoka kumba ndikapisa mabhuku ose andaiendesa kukiriniki nekuchipatara ndichiti ndaiva nepamuviri pemwana. Zvinorwadza, ndinoda kubatsirwa pamwe handichaita mwana zvakare,” vanodaro.

Murume wavo, VaTrymore Dzikiti (38), vanotsinhira nyaya iyi vachiti vakazvionera datya rakasunungukwa nemudzimai wavo iri. 

“Mudzimai wangu akatanga kupera simba ari manheru ini ndisipo ndokubva aenda kwamai vangu. 

“Ndakazoshevedzwa ndichinzi pane zvave kuitika kumudzimai wako apo ndakaenda ndikawana achiti aida kumbotsauka. Ndipo pandakawaridza zambiya sezvo taiva mumugwagwa apo akasununguka datya hombe,” vanodaro  VaDzikiti. 

Mary Changoza

Vanoti chinhu ichi chaiva nemakumbo edatya, musoro wacho uchiita sewenhuta uye chiine ruvara rwaisanzwisisika asi chisina mabhonzo. 

“Amai nemuzukuru wedu vakauya nevamwe vanambuya vakachitora vakanochifushira husiku hwakare. Vanhu vose vakatya zvikuru,” vanodaro. 

Mai Mary Changoza (40), avo vanova vamwene vaMai Dhambure, vanoti ichokwadi kuti muroora wavo akasununguka zidatya. 

“Raiva datya chairo, riine karukuvhute kaiva kakabata. Musoro waiita seweshiri iya inonzi kuwe, muromo uchiita sewenhuta. Musana wacho waiva nemakwati kuita seguru kana gakanje,” vanodaro Mai Changoza. 

Vanoti vanhu vakazouya kuzoona chinhu ichi vaitya kana kuchitarisa.

“Isu tinoti kuroyiwa nekuti hatina kumboona zvakadaro. Zidatya iri rakachererwa pasi nemachembere,” vanodaro Mai Changoza. 

Vanotsinhirawo nyaya yevanhu vanonzi vakatukana nemuroora wavo. 

Mbuya Evers Maruta (69) vemumusha uyu, vanova ambuya kumhuri iyi, vanoti vakashevedzwa vakaona datya iri. 

“Ndakatarisa machaiva muzambia ndikaona zvimakumbo zvaiita sezvedhadha kana kuti datya. Takazotora foshoro nepick ndokunochera tikaviga chinhu ichi tiri vatatu,” vanodaro Mbuya Maruta. 

Vanoti uhwu hushereketwa hwakasimba hunoda kuti muroorazukuru wavo abatsirwe. 

VaJohn Chinyamakobvu (39) vanova kanzura weWard 8 mudunhu iri vanoti nyaya iyi inotyisa.

“Amai ava taivaona vaine pamuviri ndokuzonzwa kuti vazvara datya, zvinotyisa izvi,” vanodaro Kanzura Chinyamakobvu. 

VaCampion Zawe (56), avo vanova gurokota guru raMambo Svosve vemudunhu iri, vanoti nyaya iyi yakavagura kunorira.

“Takazvinzwa kuti amai ava vazvara datya inova nyaya yekutanga muno. Tinoda kuita tsvakurudzo yedu izere tichibatsira mudzimai uyu nemhuri yake. Tine mhondoro dzedu muno saka tichadzisuma mashura aya tonzwa mazano kubva kwadziri,” vanodaro VaZawe. 

. . . zvinoitika: Dr Jemedza

Kingstone Mapupu

CHIREMBA anoona nezveutano hwemadzimai (gynaecologist), Doctor Abigail Jemedze vanoti zvakaitika kumudzimai wekuHwedza zvekusununguka chinhu chinenge zidatya zvinoitika uye uhu hurema hunokonzerwa nekusasikwa kwemwana mudumbu zvakanaka.

Doctor Jemedze vanoti mudzimai anokwanisa kusununguka chimwe chinhu chisiri mwana uye izvi zvinokonzerwa nekusagadzikana zvakanaka kunoitika muchibereko pakusikwa kwemwana ari mudumbu maamai.

“Idambudziko rinowanikwa kumadzimai ane pamuviri pakusikwa kwemwana mudumbu, tinoti kuremara kana kuti “deformities” kumwana. Zvinhu zvinoitika izvi,” vanodaro Dr Jemedze.

Asi nyanzvi dzezvechivanhu dzinoti kazhinji kana mudzimai ane pamuviri akazvara chimwe chinhu chisiri mwana anenge ashinhirirwa nevavengi nemishonga yakaipa kunyangwe zvazvo machiremba akadzidzira basa achiti izvi zvinokwanisa kuitika uye zvinokonzerwa nekusagadzikana kunoitika muchibereko chaamai pakusikwa kwemwana.

Mudzimai wekuWedza, Mai Mercy Dhambure, anonzi akasununguka dzetse kana kuti zidatya guru nguva pfupi yadarika.

VaTichakunda Bote (44) vekuHatfield muguta reHarare vanoti inyaya iri pachena kuti mudzimai uyu akaroyiwa. 

“Amai ava vanoda kubatsirwa nenguva nekuti inyaya inotyisa kuti mudzimai azvare datya. Vanhu vakaita izvi vaida kuita zvinodarika apa. 

“Amai ava vakaroyiwa nemhiko dzemumvura sezvo datya richigara mumvura, nekufamba kwenguva munoona kuti mudzimai uyu anogona kuzotadza kuita mumwe mwana zvachose,” vanodaro.

Kuchiti Mai Letwin Manguwo (29), avo vanozivikanwa nekunzi Mbuya Mamoyo vekuChitungwiza vanotiwo, “Inyaya dzatinosangana nadzo dzakawanda dzemadzimai anoshereketerwa kuburikidza nevavengi vanenge vasingade kuroorwa kwemunhu iyeye. Dzimwe nguva varoyi ava vanogona kusunga pamuviri poramba kusunungukwa kunyangwe nguva yapo yakwana zvichiguma zvaita kuti madzimai anoitirwa izvi vafe.”

Mbuya Alice Kwenda (63) vekuLochnvar, muguta reHarare, vanoti mudzimai uyu anofanirwa kukurumidza kubatsirwa.

“Uku kuroyiwa kwakaitwa, vanofanirwa kupihwa mishonga vose nemurume wacho yekugeza. 

“Zvimwechete nevaye vamunoona vanozosununguka nhumbu yave kusvika mwedzi 14 kana kudarika, ngavabatsirwe nenguva,” vanodaro Mbuya Kwenda. 

Madzibaba Gamba, VaMartin Madzura (36), vemuguta reHarare vanotiwo kune kushereketa pane zvakaitika kumudzimai uyu. 

“Mudzimai uyu anogona kunge akatorerwa chipfeko chake chemukati chikagadzirwa kuti asazvare mwana. Vanhu vakaita izvi vaitoda kuti afe,” vanodaro Madzibaba Gamba. 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×