Ndamirira Khan: Brook. . . ‘Ndofunga munhu wese anoda kuona mutambo uyu uchiitika’

KELL Brook anoti agadzirira kurwa naAmir Khan mushure mekukunda Segey Rabchenko mumutambo wake wechipiri adzoka mutsiva kuSheffield.

Brook akadzoka munhandare yetsiva kekutanga musi weMugovera wadarika zvichitevera kukundwa kwaakaitwa naGennady Golovhin naErrol Spence (Jr).

Uyu mutambo wange uri nyore kwaari apo akarova Rabchenko akaita chadzimira.

Akataura mutambo uyu wapera kuti ave kuda kusangana naKhan mumutambo unotevera.

Paakabvunzwa kuti anoda kusangana nemutambi anorema zvakakura sei, Brook akati, “Musanyanye kufunga zvehuremu hwemutambi asi munhu wandiri kuda kusangana naye ndiKhan.”

Zvichange zvakaoma kuti abvume kusaina pane kurwira bhande.

“Ndofunga munhu wese anoda kuona mutambo uyu uchiitika.

“Tinaye puromota wedu pano, Eddie Hearn, ndiye anotirongera mitambo yedu saka chii chinozvitadzisa kuitika iko zvino?

“Tinofanirwa kugara pasi, toronga kuti mutambo uyu ubudirire,” anodaro Brook.

Eddie Hearn, uyo anopuromota vatambi vaviri ava, anoti Brook anofanirwa kutanga abuda mumutambo wake naPhil Lo Greco wekuCanada muna Kubvumbi vochizotanga kuronga zvemutambo waari kuda naKhan uyu.

“Amir Khan vs Kell Brook mutambo watange takamirira kwemakore matatu kana mana adarika.

“Munhu wese anoda kuuona uchibudirira. Mutambo  watinoda kuona uchibudirira,” anodaro Hearn. – SportsMail Boxing

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *