Opemha mari yekuyunivhesiti

Lizzy Mushoriwa
MUSIKANA ane makore 20 okuberekwa wekuDoma, kuMhangura, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kuenderera mberi nechikoro kuyunivhesiti zvichitevera kupasa kwaakaita zvidzidzo zvake zveA-Level asi ndokuzoshairwa mari.

Everate Zhanda anoti akapedza zvidzidzo zvake zveA-Level muna 2015 apo akabuda nemapoinzi 12 asi akazoshairwa mari yekuenda kuyunivhesiti. Musikana uyu anogara naamai vake avo vasingashande uye baba vake vakashaika.

“Ndinotsvagawo rubatsiro rwemari yekuti ndiende kuyunivhesiti. Ndakapasa bvunzo dzeA-Level dzandakanyora mugore ra2015 asi nekuda kwekushaya mari, ndichingori ndakagara pamba.

“Ndakabuda nemapoinzi 12. Amai vangu ishirikadzi zvichitevera kushaika kwababa vangu saka mari yekuti ndienderere mberi nedzidzo handina. Ndinototenda kuti amai vakashingirira kundisvitsa pari nani,” anodaro Everate

Anoti ane shuviro yekuita dhigirii rezvekutapa nhau reJournalism and Media Studies.

“Kuri kunzi ndawana rubatsiro kana rwebhezari, ndine tarisiro yekuita dhigirii reJournalism and Media Studies kana Development Studies nekuti ndine shuviro yekurerutsa upenyu hwaamai vangu uye kubatsira vamwe vana kana ndichinge ndabudirira. Saka ndinongonamata kuti dai ndawana rubatsiro rwandave nemakore ndichitsvaga,” anodaro.

Vanoda kubatsira Everate vanoridza nhare dzinoti 0785 324 785.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *