‘Ndamomoterwa nezvikwereti’

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME anoshanda muchiuto wekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wake akachema-chema achiti $100 yemendenenzi pamwedzi iri kudiwa yekuchengeta mwana mumwe chete haaikwanise sezvo akamomoterwa nezvikwereti uye ane vamwe vana vaari kubvisira mendenenzi zvakare.

Vanessa Dzvene akamhan’arira aimbova murume wake, Emmanuel Sibanda, kuHarare Civil Court achiti anoda mari yekuriritira mwana wavakaita vose.

“Nemurume uyu takaita mwana tose asi haasi kumuriritira. Ndauya kudare kuti rindibatsire akwanisewo kuchengeta mwana wake. Ndiri kuda $100 yekuti mwana akwanise kuwana chikafu pamwe chete nekumutsvagira zvipfeko.

“Ini handikwanisi kuchengeta mwana uyu ndoga nekuti pari zvino handisi kushanda. Zvekuti ane vamwe vana vaari kuchengeta hazvingatadzisi wangu mwana kuti awanewo kudya kwakakwana pamwe chete nezvipfeko,” akadaro Dzvene.

Sibanda akaudza dare kuti mari yaitaurwa naDzvene haaikwanise sezvo aine zvikwereti zvaanobhadhara uye zvakare anobvisa mendenenzi yevamwe vana vaakaita nemumwe mukadzi.

“Mwana ndinoda kuchengeta, asi kuti mari yataurwa yakawandisa tikatarisa mari yandinotambira. Ndinoshanda muchiuto asi pari zvino ndiri kungowana $70 chete pamwedzi mushure mekunge pabviswa mari yemendenenzi yandataura pamwe chete neyezvikwereti zvemidziyo yandakatora kuzvitoro zvakasiyana,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti: “Mari yandinokwanisa kubhadhara i$35 nekuti ndinenge ndichida kuzosarawo neyangu yekushandisa nekuchengeta mhuri yangu yandinayo. Pavana vandiri kubhadharira mendenenzi, mumwe ndiri kumupa $110, mumwe $50, pamwe chete yoita $160. Kudai dare randinzwisisawo ndabhadharawo $35 kuti zvinhu zvisazonyanya kundiremera,” akadaro Sibanda.

Mutongi Manasa Musiiwa akati Sibanda abhadhare $50 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×