‘Ndanetswa nemupurwa’ …‘Hapana anouda here ndimupe?’

MURUME uyo ashungurudzwa nemupurwa ainawo pamusika kuBulawayo.
MURUME uyo ashungurudzwa nemupurwa ainawo pamusika kuBulawayo.

YAKAVE batai-batai pane mumwe musika kuBulawayo nemusi weChina svondo rapera apo mumwe murume wechidiki akasvikapo achidemba kuruzhinji achiti anoda kubatsirwa kuti mupurwa uri kumushungurudza pose paanenge ari usiyane naye. Nyaya iyi inofungidzirwa kuti ine chekuita nekushandisa mishonga yakaipa.

Murume uyu akati aida kupa mupurwa uyu kune anouda zvake sezvo uri kumushungurudza zvikuru zvekushaya kana zororo.
“Pandakaona murume uyu akatakura mupurwa ndakatanga kufunga kuti yaive shamhu asi pandakazonyatotarisa, ndakaona kuti waive mukweshwa wemupurwa. Chakanyanya kundishamisa ndechekuti mupurwa uyu wakange wakanyatsogara zvakanaka mumawoko ake uye murume uyu akatitaurira kuti akazvipira kuupa kumunhu anouda zvake sezvo wave kumutambudza,” akadaro mumwe mutengesi wepamusika uyo akangozviti anonzi Dube.

Mumwe anotengesera pamusika uyu, akangozviti anonzi MaNdlovu, anoti murume uyu anogona kunge akaiswa rushambwa mushure mekunge atadzira mumwe munhu zvakanyanya.

“Ndinofunga kuti murume uyu ane zvinhu zvakaipa zvaakaita saka ichi chatova chituko chinove chirango chaave kuripira chemupurwa uyu. Dzimwe nguva vanhu vanoroyiwa vachipenga asi panyaya iyi mupurwa uyu unogona kunge uri mweya une hasha uyo unoda kuripwa kuti uende,” akadaro mudzimai uyu. Murume uyu akaramba achimbeya pamusika apa achitsvaga rubatsiro kune veruzhinji kuti mupurwa uyu usiyane naye.

Zvisinei, pane mumwe munhu akaedza kudhonza mupurwa uyu kuti ubve mumawoko emurume uyu asi wakaramba wakanamirira. Muchinda uyu akazobva panzvimbo iyi achiita zvekutiza.

Mupurwa unonzi kwathu pachiNdebele kana kuti giant lizard pachiRungu. — B-Metro.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×