‘Ndanetswa nevana vakauya vemukadzi’

Gamuchirai Muzanenhamu —
SAMUSHA vekuti vari kushungurudzwa nevana vanova vabvandiripo vakazopotera kudare vachiti vana ava vabve pamusha pavo kuitira kuti vasare vachifurwa nemhepo.

Cornway Chikiwa akaendesa mudzimai wake, Evelyn Ndavambi, nevana vake vaviri vane makore 16 ne14 okuberekwa kudare reHarare Civil Court achiti vanogara vachimurwisa.

“Ndinokumbira kuti vana vemudzimai wangu vabve pamba pangu nekuti vari kundishungurudza, vanonditema nematombo uye vanoda zvekurwa neni saka ndava kutotyira upenyu hwangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Pandakaroorana nemudzimai wangu, ndaitoziva kuti ane vana asi handina kuziva kuti vane hunhu hwakaipa kudaro.

‘‘Chiri kundirwadza ndechekuti vari kundibatsirana naamai vavo.

“Mudzimai wangu handisi kuda kuti abve nekuti tine vana vaviri tose, asi vamwe ava ngavabve vaende kunochengetwa nehama dzavo.”

Ndavambi anopokana naChikiwa achiti kana asingade vana vake zvinorevawo kuti naiyewo ava kutobvawo pamusha apa nekuti vana vake havana kwekuenda.

“Kana vari kuti vana vangu vabve pamba ini ndichisara hazviite nekuti vana ava havana kwekuenda, baba vavo vakashaya. Kana vari kubva, neniwo ndotobvawo. Ndakagara ndazviona kuti havadi vana vangu nekuti mari yechikoro ndini ndinoitsvaga,” anodaro Ndavambi.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaChikiwa achiti vana ava vachiri vadiki, nekudaro havakwanise kunge vachimuitira mhirizhonga sekureva kwake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×