Zim yosimudzira kurongwa kwemhuri

Munyori weKwayedza —
ZIMBABWE imwe yenyika dzekutanga kuzadzikisa zvinangwa zvekuti chikamu che68 percent chevanhu chiwane nzira dzekushandisa mukuronga mhuri apo kwasara makore maviri nechidimbu kusvika gore ra2030.

Nyika ino yakawedzera kushandiswa kwenzira dzekuronga mhuri dzakanaka kusvika pa59 percent parizvino.

Zvisinei, pachine zvimwe zvinoda kuitwa kuitira kuti vanhukadzi, zvikuru vechidiki, vanogara kunzvimbo dzakasaririra munyaya dzebudiriro vange vachiwaniswa nzira dzekuronga mhuri nadzo pamwe neruzivo zviri nyore.

Musi weChishanu svondo rino (7 Chikunguru), bazi reutano nekurerwa kwakanaka kwevana richaita musangano wezvekuronga mhuri muguta reHarare pamusoro pezvingaitwe kusimudzira nyaya dzerudzi urwu.

Sangano reZimbabwe National Family Planning Council riri kushanda nesimba rakabatana nemamwe masangano mukusimudzira nyaya dzekuronga mhuri munyika.

Zvinangwa zvikuru zveZNFP ndezvekuwedzera mikana yekuwanikwa kwezvekushandisa mukuronga mhuri kubva pa59 percent kusvika 68 percent pamwe nekudzikisa kubata pamuviri kwevanasikana kubva pa24 percent kuenda pa12 percent panosvika gore ra2030.

Sangano iri riri pakati pemamwe ari kubudirira zvikuru muzvirongwa zvekuronga mhuri mudunhu reAfrica.

Zvakadai, musangano wekuronga mhuri weFamily Planning Summit uyo waive kuLondon, kuUnited Kingdom svondo rino nemusi weChipiri wakaitwa pazuva rimwe chete remhemberero dzeWorld Population Day idzo dzaive nedingindira rinoti “Kuronga mhuri: Kupa simba kuvanhu nekusimudzira nyika”.

Donzvo riripo nderekuti vanhukadzi vanosvika 120 miriyoni pasi rose vange vave kuwana nzira dzekuronga mhuri nadzo dzakanaka panosvika gore ra2030.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×