Ndasiya nhabvu: Kuda Mahachi

MUTAMBI wenhabvu wechikwata chenyika chemaWarriors, Kudakwashe Mahachi, anoti anogona kuturika shangu dzake ombodzokera kuchikoro sezvo mwaka wenhabvu wegore rino asina kunyoreswa nechikwata chaaitambira kuSouth Africa, cheMamelodi Sundowns.

Muhurukuro neKwayedza nemusi weChipiri svondo rino ari kumba kwevabereki vake kuBulawayo, Mahachi akati ari kufunga zvakanyanyisa pamusoro pekusiya nhabvu kwegore rimwe chete kana maviri kuti ambodzokera kuchikoro uko anoda kunoita zvidzidzo zveTechnical Graphics.

Mahachi haana kunyatsoburitsa pachena kuti sei ari kuda kumbosiya zvenhabvu sezvo achikwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaanenge achiita zvidzidzo zvake.

Anoti akazivisa baba vake nyaya iyi vakamutsigira pahurongwa hwake.

“Ndave kumbomira zvenhabvu, ndafunga kumbomira mbichana kwegore rimwe chete kana maviri.

“Ndave kumbodzokera kuchikoro ndinoita zveTechnical Graphics. Izvi zvinhu zvinoitika munhabvu uye handizive kuti zvinomboitika sei asi ndatongozvitambira.

“Baba vangu ndakavazivisa kuti ndozvandave kuita uye vakazvinzwisisa zvakanyanya vakazvitambira,” akadaro Mahachi.

Nemusi weSvondo wadarika, Mahachi aive muchikwata chemaWarriors chakaita mangange 1-1 neGuinea mumutambo wakatambirwa kunhandare yeRufaro, muHarare wekurwira kuenda kuAfcon 2017. Akatanga mutambo uyu achidziisa chigaro ndokuzopinda chikamu chepiri chava kunopera achitsiva Khama Billiat.

Kusiya nhabvu kwaMahachi kuchakatyamadza vatsigiri vemutambo uyu vakawanda sezvo achiratidza kuve neramangwana rakajeka mumutambo uyu.

Apo mamwe maWarriors anotambira kunze kwenyika pamwe chete nevemuno vakaita chimbi chimbi kudzokera kuzvikwata zvavo svondo rino mushure mekutamba neGuinea, Mahachi aiva kumba kwevabereki vake kuBulawayo uko kwaari pari zvino achifunga kuti ofambisa sei remangwana rake.

“Ndave kutofunga zvekusiya kana kutambira nyika chaiyo, pandakabuda mukembi ndakabva ndauya kuBulawayo kumba kwevabereki vangu uko kwandiri pari zvino.

“Ndichadzoka hangu manje-manje pane zvinoda kugadziriswa chete.

“Baba vangu vachandibatsira pane zvimwe zvandinoda kuita,” akadaro.

Mahachi akatambira zvikwata zvinoti Chicken Inn FC neHighlanders FC kuBulawayo neMamelodi Sundowns yekuSouth Africa.

Gore radarika, Mahachi akambonozama noto kuchikwata cheMonaco, kuFrance, icho chaida kumutenga zvichitevera kunetsa kwaakaita kumutambo weAfrican Nations Championship uyo wakatambirwa kuSouth Africa asi Sundowns, Monaco pamwe naiye Mahachi vakatadza kuwirirana.

Svondo rapera, Highlanders yakabuda pachena kuti inotambira Mahachi nemawoko maviri kana akafunga kudzoka kuzoitambira muZimbabwe.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×