
KWAKANGE kusingadanwe anonzwa muguta reHarare neMuvhuro svondo rino apo vadzidzi vaidzokera kuzvikoro ukuwo vamwe vabereki vari mushishi kutsvagira vana vavo zvipfeko nemidziyo segadziriro yekuzarurwa kwetemu yechitatu.
Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vabereki nevadzidzi avo vaitenga zvinhu zvekugadzirira chikoro semabhuku, zvinyoreso, mabhegi nezvekudya.
Mai Susan Mwayera (35) vekuSunningdale 2, muHarare, vaitenga yunifomu yemwana wavo sezvo imwe yaanayo yave diki.
“Vana vacho vari kukura zvekuti chave chipo chekungotenga mayunifomu temu yoga-yoga. Asi tinofara nekuti hapana sanduko yemitengo,” vakadaro.
Zvisinei, VaFarai Joseph (42) vekuWaterfalls, muHarare zvakare, vakachema-chema vachiti mari iri kunetsa kuwana mazuva ano nekudaro zvinotoda kuti mubereki ashinge kuti vana vadzidze.
“Zvinhu zvakaoma kunze uku. Vamwe takamiswa mabasa asi hatishayi zvedu mari dzevana vechikoro. Ndinofara kuti ndakakwanisa kubhadhara fizi yevana vangu vatatu, kusanganisira vari kumabhodhingi vaviri,” vakadaro.
Mai Mercy Muchawaya (38) vekuUnit D, kuChitungwiza, vakati vanofara kuti mitengo yezvinhu zvekuchikoro haina kusanduka.
“Ndaifunga kuti nekuda kwekubviswa kwakaitwa vatengesi vemumigwagwa nekanzuru yeHarare rwendo rwuno mitengo ichakwira izvo kwete. Tave kutosarudza kutenga muzvitoro nekuti vanotengesa zvinhu zvakasimba.
“Taimbofurirwa nevatengesi vepanze tichitenga mayunifomu anokasika kubvaruka nyambisirwa mitengo yemuzvitoro yacho yakangonaka. Inyaya yekuti vatengesi vepanze vaitigamha tisati tapinda muzvitoro,” vakadaro VaMuchawaya.
Vamwe vevadzidzi vaidzokera kuzvikoro zvemabhodhongi vakati vanofara zvikuru nekuti vakave nezororo rakanaka.
“Zororo rakange richinakidza zvikuru nekuti takakwanisa kuwaniswa mikana yekuona hama neshamwari. Tinotenda nekuti inguva yakakosha yekumbogara pamwe nevabereki uchipangwa mazano nekuti mukatarisa vana vazhinji vanodzidza kumabhodhingi vanosvika pakurasa hunhu nekuti vanenge vachiita nguva refu vasina vabereki,” akadaro Gibson Harati (17), uyo anodzidza paUmaa Institute, kuMarondera.
Vamwe vadzidzi ndivo vaiti havana kumbowana nguva yekusununguka sezvo vakange vachienda kunoita zvidzidzo zvepazororo (extra-lessons) zvisinei nekuti Hurumende yakati zvidzidzo izvi zvisaitwe kuitira kupa vana mukana wekuzorora.




