Ndatenga nyoka kun’anga: Muporofita

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wekuChikanga, kwaMutare, akasungwa nematikitivha ekuMarondera mushure mekuwanikwa aine nyoka yerudzi rwemhungu inozivikanwa nekuti “rinkal cobra” muchirungu mubhegi rake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti Madzibaba Maxwell Muguta – mushure mekubvunzurudzwa nemapurisa – akazotaura kuti aiva atenga nyoka iyi kune imwe n’anga yekumaruwa ekwaSeke inonzi Magorimbo nemari inoita US$70.

Insp Mwanza vanoti muporofita uyu anoti aida kunoshandisa nyoka iyi mubasa rake rinosanganisira kurapa vanhu.
“Madzibaba uyu ari muchitokisi kuMarondera akamirira kuzoenda kumatare edzimhosva nenyaya yaari kupomerwa yekuwanikwa aine nyoka zvinova zvisingabvumirwe nemutemo wenyika ino.

“Zvichakadai, veZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority (Zimparks) vakatora nyoka iyi kuti vanoichengetedza kumasango avo,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti mukuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi, zvinoratidza kuti pane kunyengerwa kwevanhu nemaporofita echitsotsi aya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×