‘Ndibhadhare $60 yekufugura hembe’

5-shopping-apps-to-help-you-save-cash-on-black-friday-and-beyond-da514e2cc9
Sandy Musungata

CHEMBERE yekurumwa nembwa ndokuzoendesa muvakidzani wayo kudare ichida kupihwa mari yayakashandisa kuzvirapisa, yakasetsa vanhu vaive mudare apo yakati yaidawo kubhadharwa kuonererwa kwayakaitwa nevanhu apo yaifugura hembe ichiratidza payainge yarumwa.

Getrude Rugweta akamhan’arira Roselyn Madondo kuHarare Civil Court achida $150 yekuzvirapisa kwaakaita mushure mekurumwa nembwa yake.

“Changamire, ndiri kuda kuti amai ava vandipe mari yangu yandakashandisa kuzvirapisa pandakarumwa nembwa yavo.
“Ndinogara ndichivataurira nenyaya yacho asi havasi kuda kundipa mari yacho,” akadaro Rugweta.

Mushure mekunge dare raona kuti paingova ne$90 chete yakashandiswa naRugweta kuzvirapisa, rakamupa nguva zvekare kuti atsanangure kuti imwe $60 yaiva yei apo akati yaiva yekufugura hembe paairatidza vanhu chironda chaakarumwa.

“Imiwe-e, ndiri munhu mukuru zvekuti handingaonererwe nevanhu, kusanganisira vana vadiki, vandaifugurira vachiti tionei pamarumwa.
“Saka anofanira kundibhadhara kunyadziswa nekurwadziswa kwandakaitwa panguva iyi uyezve nemari yandakafambisa,” akadaro Rugwete.
Madondo akaudza dare kuti chainetsa panyaya iyi ndechekuti Rugwete akange oda kumubatirira nekuwedzera imwe mari.

“Handisi kuramba kuvapa asi mari yacho haisi kunzwisisika sezvavataura kuti imwe ndeyekufugura kwavaiita hembe. Asi imhosva yaani? Ndini ndakavati vafugure here? Kana kuri kuchipatara vanofugurazve nekuti vanenge vachida kurapwa” akadaro Madondo.

Mutongi Barbra Masinire akati Madondo abhadhare Rugweta $90 yekuzvirapisa kwaakaita ndokuti iyo yekufugura kwaanoti aiita hembe yake haitsanangurike pamberi pedare.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×