Ndichiri kutaura naTuku muzviroto zvangu: Daisy

Trust Khosa

CHIRIKADZI yemuimbi aive nemukurumbira Oliver “Tuku” Mtukudzi — Daisy — anoti achiri kutaura neshasha yemimhanzi iyi muzviroto zvake.

Nemusi weChishanu chadarika, zvakaona pachikwana makore manonwe zvichitevera kushaika kwaMtukudzi.

Mutungamiriri wechikwata cheBlack Spirits, uyo akapihwa chiremerera chegamba renyika, akashaya mushure mekurwara nechirwere cheshuga nemusi wa23 Ndira, 2019.

Akange ave nemakore 66 okuberekwa.

Vemhuri yake vakasarudza kuti anoradzikwa kuMadziva kumusha kwake kudunhu reMashonaland Central.

Vanhu vakawanda vaivepo pakuradzikwa kwegamba iri.

Mumiriri wechokwadi wemimhanzi pamwe chete nemudzidzisi, Tuku akamirira Zimbabwe nerudadiso kwose kwaaienda uye acharamba achirangarirwa nekuda kwemabasa makuru aakaita.

Muimbi uyu, uyo airemekedzwa zvakanyanya, akabura madambarefu anodarika 60 izvo zvakaona achisiya nhoroondo yebudiriro huru.

Sezvagara zvichiitwa makore ose, rufu rwaTuku rwunorangarirwa kuburikidza nezviitiko zvakasiyana-siyana senzira yekupemberera basa guru raakabata kwemakore akawanda.

Gore rapera, vemhuri yake pamwechete neshamwari vakapemberera budiriro yake huru munyaya dzemimhanzi kubvira paakatanga kuimba muna1975.

Muhurukuro neZimpapers Arts and Entertainment Hub, Daisy anoti mhuri yavo ichiri yakasuvuvara zvichitevera kufa kwemhare iyi.

“Zvichiri zvakaona kuzvitambira kuti Tuku hakuchina,” anodaro.

“Kusavapo kwake kwakaoma kugara nako, nguva zhinji, ndinotaura naye muzviroto zvangu sekunge ashanyira mumwe munhu uye achadzoka. Zvakawanda zvaitika kubva kufa kwake asi tinoramba tichipemberera mabasa akanaka aakaita.

“Tinogara tichinamata kuti mabasa ake aakabata arambe achienderera mberi uye nekuachengetedza kuti asakanganiswe, sezvo aive munhu akanaka achifarira munhu wose.”

Gore negore, pane zviitiko zvine chitsama zvinoitwa senzira yekurangarira Tuku izvo zvinosanganisira mujaho weOliver Mtukudzi Memorial Half Marathon paPakare Paye Arts Centre, kuNorton.

Daisy anotenda zvakanyanya vatsigiri vaTuku pasi rose nekuramba vachimurangarira.

“Handikwanise kutenda vatsigiri vake zvakaringana. Kwese kwatinoenda, anoramba achirumbidzwa nekuremekedzwa nekuda kwezvose zvaakaitira chikamu ichi. Akange asiri shasha munyika yake chete asi aifarirwawo kumhiri kwemakungwa, uko mhanzi yake yakatambirwa pasina kunyanya kushanda zvine simba.

“Kuve pachokwadi nekushanda nesimba zvaive zvakakosha kwaari, uye tarisiro yedu ndeyekuti Mabasa ake akanaka acharamba achienderera mberi.

“Ichasvika nguva yekuti tinenge tave kuda kuti misodzi yatiri kudonhedza igodzoiridza mbeu yerudo pamwe chete nekubatana izvo akadyara panguva yaairarama, senzira yekupa mukana wekuti ikure zvakanaka.”

Tuku akaberekwa nemusi wa22 Gunyana, 1952, uye akashaika nemusi wa23 Ndira, 2019.

Dopiro reOliver Mtukudzi International Festival of the Arts (OMIFA) rinoitwa gore negore pamwe chete nemujaho senzira yekumurangarira.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×