Ndifonereiwo: Muroyi

MUKADZI wechidiki wekuZvishavane, wekureurura kuti iye natete vake vanodya nyama yevanhu, anoti aoneswa moto natete ava kubva pakabuda nyaya iyi muKwayedza sezvo ari kunzi akavafumura.
Stella Ndaba (28), uyo anogara mumusha weMandava, akabuda pachena nguva pfupi yadarika kuti anodya nyama yevanhu pamwe chete natete vake avo anoti vari kumumanikidza kuroya.

Stella anoti atambura kuti abude mumabasa ekuroya aya, uye nyaya iyi yatova kudare raShe Masunda.

Stella anoti pana tete vake vanomumanikidza kudya nyama yevanhu apo anenge achivhundutsirwa.

Mushure mekubuda kwenyaya iyi muKwayedza, iyo yainge isina kudura tete ava nezita zvisinei nekuti tinaro, Stella akazoridzira nhare nekutumira mashoko panhare yemutori wenhau achiti upenyu hwake hwava parumananzombe.

“Mufunge upenyu huye hwazondiomera, ndaifunga kuti ndichabatsirwa asi zvava nepamwe. Tete (zita ravo tinaro) vaye vari kuti vachandidya ndiri mupenyu nekuti ndinoda kuonererwa. Vakati handaifanirwa kuvafumura kudaro kunyika yose. Izvozvi ndirere ndadyiswa nyama yakawanda usiku hwakadarika, ndofa zvangu here ndibatsireiwo?”

akadaro Stella mumashoko aakatumira panhare.

Stella anoti tete vake ava vakaenda kwaari nevamwe vanhu vakawanda vachinomutuka kuti akaburitsirei nyaya yavo yekuroya munhau. Apa aiti anogona kunwa muchetura nekuda kwemamiriro ezvinhu.

“Kana paine vanokwanisa kundibatsira vapei nhamba dzangu vandifonere, ndiri kurwara zvisingaite. Ndakavharwa kuzasi uku kana kuweta handichakwanisa, ndaomerwa.

“Ndave kuenda kwachief munyowani kunotongerwa nyaya yangu nekuti ava vari kunonoka. Kana ndasvika ikoko ndichavapa nhamba dzenyu mundibatsirewo kutaura navo ndimi makazvionera,” akadaro Stella mumamwe mashoko ake panhare.

Nhamba dzaStella dzinoti 0783 453 629 idzo akati vanoda kumubatsira vasununguke kumufonera.

Vobvunzwa nezvenyaya iyi, tete vari kupomera kuroya pamwe chete naStella, asi vachiita zvekumumanikidza, vakaramba nyaya iyi vachiti muzukuru wavo “murwere asiri kunwa mapiritsi eshuramatongo”.

Baba vaStella, VaEphraim Ndaba, vakatsinhira mashoko ehanzvadzi yavo ekuti anorwara.

Zvisinei, Ishe Masunda, VaSimon Hungwe (55), vakapokana nepfungwa idzi vachiti dambudziko raStella riri kukonzerwa nemabasa ehuroyi.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×