‘Mitambo yevechidiki ngaisimudzirwe’

GURUKOTA rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti masangano anoona nezvemitambo yevechidiki abatane mukutsvaga nzira dzekusimudzira mitambo yakasiyana-siyana.
Vachitaura pakuparurwa  kwemaNational Youth Games kuMasvingo svondo radarika, Cde Dokora vakati masangano akadai seNational Association of Primary Heads neNational Association of  Secondary Heads anofanira kuisa misoro pamwe chete mukusimudzira mitambo yevechidiki.

“Imi veNash pamwe neNaph, makabatana nemasangano anoona nezvemitambo, ndinokukurudzirai kuti muise misoro pamwe chete muronge kuti mitambo ingasimudzirwe sei nekuti rume rimwe harikombi churu,” vakadaro.

Vakakurudzira vechidiki kuti vatore makwishu aya semukana wekupima hunyanzvi hwavo apo vanenge vachisangana nedzimwe shasha dzemitambo yakasiyana.

Zvakadaro, Cde Dokora vakapembedza shasha dzemitambo dzakadai saNgonidzashe Makusha uyo akatora menduru yebhuronzi kumakwikwi ekusvetuka epasi rose ayo akaitwa mugore ra2011 vachiti chipo chake chakaonekwa panguva iyo ainge achiri pachikoro.

“Zviitiko zvakadai sekuhwinha kwakaita Ngonidzashe Makusha, uyo akaonekwa chipo chake ari pachikoro cheMandedza, zvinotipasa manyemwe, zvinongoratidza zvega kuti rwendo rwedu rwange rwuchidadisa,” vakadaro Cde Dokora.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×