Ndiko kufira mahara

MAKADII tete? Ndiri mukomana ane makore 20 ekuberekwa. Dambudziko rangu riri pavabereki vangu. Mumhuri medu tiri vakomana vaviri nevasikana vaviri, ini ndiri dangwe uye tigere mudhorobha umo matiine imba yedu. Baba vangu havachashanda asi amai “mucross border”. Kumusha baba havana kuvaka apo vainge vachashanda sezvo pfuma zhinji yaienda kumusha kwaamai.
Zvino kuti tiende kumusha kwedu hatina pokunogara. Mari yababa yakaperera kwatezvara, dikita ravo rose rakaendera mahara. Amai vanogara vachituka baba kuti “uri zirombe, wakatadza kuvaka musha uchiri kushanda”. Vanokanganwa kuti ndivo vaiparadza pfuma vachiendesa kumusha kwavo.
Kana isu vana takakura tichiziva kumusha kwaamai, kwababa hataienda kakawanda. Ambuya, amai vaamai, ndivo vaiuya mudhorobha amai vababa vachingogara kumusha kwavo.
Ndibatsireiwo tete kuti panofamba sei.

MHINDURO:
Dambudziko rako rakaoma muzukuru. Misha yemazuva ano kuvakika kuri kunetsa, kare mukadzi aiziva kuti kana aroorwa ava kunovaka musha wake kumusha kwemurume, otanga mhuri itsva ikoko. Nava ambuya vemazuva ano, mwanasikana akasapota achidaro musha wekumurume unotoparara, havacheuke zvekumusha kwemukuwasha.

Mazuva ano hakuna vabereki vachagona kusimudzira musha wemwanasikana kana mwanakomana, chavave kungoda kuchengetwa ivo bedzi.
Iwe muzukuru namata kunaMwari kuti usimudzire kumusha kwababa vako, kana wawanawo basa nokuti zvakaitwa naamai nababa vako hazvichagadzirisika sezvo baba vasisashande.

Iwewe usapindira munyaya iyi nekuti hauzive marongero avaiita zvinhu zvavo vari vaviri. Nyaya dzemurume nemukadzi hadzipindirwe, kunyanya kana vari baba naamai, nokuti mangwana ingafuma yakuzvimbira.

Izvo zvekutukana zvinhu zvamuri kuona pachena asi pakatangira nyaya hamupazive. Chiita kuti iwewe sedangwe usimudzire kumusha kwako, kana ivo baba vanonzwawo kurerukirwa.

Ndafara zvikuru kuti unoda zvemusha, dai iwe ukazowana mukadzi akanaka uye anokutsigira nokuti ndaona kuti une pfungwa dzekusimudzira kumusha kwako. Zvichaita muzukuru.

Tete.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×