Ndiko kufirwa here?

MUBVUNZO:

Makasimba here sekuru? Ndiri murume ane makore 46 okuberekwa, mudzimai wangu akashaika makore adarika uye ndikamuchema kwegore rese. Zvino ndave kuedza kutsvaga mumwe mukadzi asi dambudziko nderekuti ndikawana wekufambidzana naye, sikarudzi yangu haichade kuita basa. Chii chaizvo sekuru, chii chirikuitika kwandiri?

MHINDURO

Kune iwe nevamwe vazukuru vose vangava nematambudziko erudzi urwu, ndinoti izvi zvinogona kuitika kumurume kana kumudzimai anenge afirwa. Kumwe kufirwa inguva yaTenzi, asi kumwe kwacho mabasa emweya yakaipa, mweya yasatani sekuroyiwa.

Kare munhu aiti akafa, hama dzepedyo dzaienda kugata kunobvunzira kuti chii chatora upenyu hwemunhu.

Ipapa ndipo pazvaibatwa kuti rufu rwauya nekuda kwaMwari here kana kuti pakaitwa hushereketwa sekuroyiwa.

Kana zvikabuda zvichinzi rufu nderwaTenzi, vanhu vaibva vagara zvavo, asi kana ari mabasa evakaipa paitorwe matanho ekugadzirisa nekudzivirira vapenyu vasara.

Uyo anenge afirwa aifanirwa kuzokamurwa kubva kune mufi kuitira kuti akwanise kuzoroora kana kuroorwa zvakare pasina kuvhiringidzwa nemweya yevafi. Mweya uyu ukasakamurwa, unoramba uri mumusha imomo woita mabasa ekunge munhu wamakaviga uyu asina kufa, sezvinonzi mupenyu.

Neimwe nzira kana akafa aine shungu dzekutadzirwa, inotozova ngozi mumusha ndokusaka vanhu vaifamba kuti vazive kuti chii chaita kuti munhu afe. Kana vasunungurwa, mufi anenge ave kuziva kuti hamusisiri mose paupenyu hwenyama asi kumweya.

Saka iwewe muzukuru ndinoona kuti zviri kuitika pauri zviri kukonzerwa nemudzimai wako uyo akafa.

Chinodiwa kuti mufambe muchivanhu, mujekeserwe kuti chii chiri kuitika. Imomo muchivanhu muchaudzwa zvekuita kuti dambudziko rako ripere.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *