‘Ndimi munotadzisa mvura kunaya’ – vazukuru vanopomersa sekuru

Yvonne Chidochashe Manyanja
VAMWE sekuru vakachema-chema mudare vachiti vazukuru vavo vaviri vari kuvapomera huroyi vachiti ndivo vari kutadzisa mvura kunaya zvakanaka.Mapfumo Chigonera akaendesa vazukuru vake, Farai Mapfumo naRugare Mapfumo kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza.
“Vanofamba vachinditaura kuvavakidzani vangu vachiti ndiri muroyi. Pamusoro peizvi, vanonditi ndine nyoka yandinayo.

“Handizivi kuti ndakambovatadzirei vana ava, vanondituka zvinyadzi vachitukirira nenhengo dzaamai vangu. Vanoti mvura haisi kunaya nekuda kwangu uye ndinofanirwa kudya vana vangu kwete kupedza vana vevamwe.

“Saka ndinokumbirisa kuti vana ava vasandituka uye vasasvika pamusha wangu nokuti handichina mufaro,” akadaro Chigonera.
Farai akaramba mashoko aitaurwa nasekuru vake achiti: “Changamire, handizivi kuti zviri kutaurwa zviri kumbobva kupi nekuti ini ndave nemwedzi miviri ndisingatsike pamba pavo. Handichaziva kuti ndinovatukira kupi sezvavataura.”
Rugare akapokanawo nasekuru vake.

“Kana ini ndave nemwedzi miviri ndisina kutsika pamusha pavo, hameno munhu ari kuvaudza zvinhu zvavari kutaura izvi,” akadaro Rugare.
Chigonera akati akaudzwa nevamwe vanhu kuti vazukuru vake vari kumunanga huroyi.

“Vavanoudza mashoko aya ndivo vanozotaura. Kazhinji kacho dzinenge dzitori hama. Pavakandituka nezvinyadzi zvenhengo dzaamai vangu vaitotaura kumeso kwangu saka pakadaro kunyangwe ukazoudzwa izvi nevanhu vakasiyana ungatadza kuziva kuti vana ava vari kukukanganisira zita rako here?” akadaro.
Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Chigonera gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *