‘Ndimi munotadzisa mvura kunaya’

Yvonne Chidochashe Manyanja
VAMWE sekuru vakachema-chema mudare vachiti vazukuru vavo vaviri vari kuvapomera huroyi vachiti ndivo vari kutadzisa mvura kunaya zvakanaka.

Mapfumo Chigonera akaendesa vazukuru vake, Farai Mapfumo naRugare Mapfumo, kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza.

“Vanofamba vachinditaura kuvavakidzani vangu vachiti ndiri muroyi. Pamusoro peizvi, vanonditi ndine nyoka yandinayo.

“Handizivi kuti ndakambovatadzirei vana ava, vanondituka zvinyadzi vachitukirira nenhengo dzaamai vangu. Vanoti mvura haisi kunaya nekuda kwangu uye ndinofanirwa kudya vana vangu kwete kupedza vana vevamwe.

“Saka ndinokumbirisa kuti vana ava vasandituka uye vasasvika pamusha wangu nokuti handichina mufaro,” akadaro Chigonera.

Farai akaramba mashoko aitaurwa nasekuru vake achiti: “Changamire, handizivi kuti zviri kutaurwa zviri kumbobva kupi nekuti ini ndave nemwedzi miviri ndisingatsike pamba pavo. Handichaziva kuti ndinovatukira kupi sezvavataura.”

Rugare akapokanawo nasekuru vake.

“Kana ini ndave nemwedzi miviri ndisina kutsika pamusha pavo, hameno munhu ari kuvaudza zvinhu zvavari kutaura izvi,” akadaro Rugare.

Chigonera akati akaudzwa nevamwe vanhu kuti vazukuru vake vari kumunanga huroyi.

“Vavanoudza mashoko aya ndivo vanozotaura. Kazhinji kacho dzinenge dzitori hama. Pavakandituka nezvinyadzi zvenhengo dzaamai vangu vaitotaura kumeso kwangu saka pakadaro kunyangwe ukazoudzwa izvi nevanhu vakasiyana ungatadza kuziva kuti vana ava vari kukukanganisira zita rako here?” akadaro.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Chigonera gwaro redziviriro.

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×