NDINI CHIBABA: KAMAMBO

Abel Ndooka

MUTuNGAMIRIRI wesangano rinoona nezvenhabvu reZimbabwe Football Association (Zifa) — Felton Kamambo — anoti ndiye “Chibaba” chenhabvu yemuno uye Philip Chiyangwa anotonga kuCosafa kwake uko anotungamirawo.

Achitaura svondo radarika muHarare apo Zifa yaizivisa nyika kuti chizvarwa chekuCroatia, Zdravko Logarusic, ndiye ave murairidzi mutsva wemaWarriors, Kamambo anoti bhodhi rake ndiro rinotonga zvenhabvu yemuno.

“Tisu tiri panyanga, tisu zvibaba zvenhabvu zvemuno uye Philip Chiyangwa ndiye chibaba chekuCosafa, ipapo panzwisisei. Saka muno zvese zvine chekuita nenhabvu zvinotodarika nepatiri isu uye tisu tinopasisa kuti zviite,” anodaro Kamambo.

Kubva Kamambo akapinda panyanga mugore ra2018 apo akunda Chiyangwa pasarudzo dzemutungamiri weZifa, pagara pachingotenderera mashoko ekuti vaviri ava vakarimirana muganhu. Vamwewo ndivo vaiti Chiyangwa aikonzera nyonga-nyonga yaiitika mubhodhi raKamambo nguva yadarika izvo zvakazoona Zifa ichimutemera zvirango pamwechete naOmega Sibanda uyo aive mutevedzeri wake kuti vasava nechekuita nezvenhabvu yemuno.

Zifa yakasvika padanho rekutombonyorera kuCosafa kuti Chiyangwa abviswe pachigaro chekutungamirira sangano iri.

Kamambo anoti bhodhi rake harichadi kupedza nguva richinetsana nevanhu pamusoro penyaya dzekutungana kwembudzi.

Anoti iye zvino yasvika nguva yekubatanidza vanhu vese kuburikidza nenhabvu nekudaro Zifa yakabviswa zvirango zvavainge vatemera Chiyangwa naSibanda.

“Takagara pasi sebhodhi uye takazviona zvakakodzera kuti tiregerere Chiyangwa naSibanda.

“Tabvisa zvirango zvese zvatainge takavatemera, saka tichienda mberi chikuru kuti nhabvu yedu ibudirire pane kuswera tichinetsana zvisina                            basa.

“Toda kuti bhora redu rinakidze ndizvo chete zvatinoda kwete zvimwe zvese,” anodaro Kamambo.

Zvakadaro, Logarusic — uyo akamborairidza Sudan — akapihwa basa guru rekutungamira maWarriors mumitambo inosanganisira Africa Cup of Nations 2021 ne2022 World Cup.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×