‘Ndini ndakakanda chikomba shoko . . .’

‘Ndakamudira radio’

Freedom Mupanedemo

MUKADZI wechidiki uye akaroorwa wekwaNjelele, kuGokwe, akashamisa vanhu vaive padare apo anoti akapfimba chikomba kuti chimupedze nyota nekuda kwekuti murume wake haamugutse sezvo aine barika remadzimai mashanu.Locadia Muthendeleki (18), uyo anova wechishanu pabarika raLimol Mthendeleki (49), akamiswa pamberi pedare raMambo Njelele, VaMoses Misheck Njelele, munguva pfupi yadarika akatarisana nemhosva yekuita hupombwe nechikomba chake, Nelson Mpofu (24).

Locadia akaudza dare iri kuti ndiye akatopfimba Mpofu sezvo murume wake asingamugutse parudo, nekudaro hazviite kuti chikomba ichi chiripiswe.

“Ini ndinobvuma pamberi pedare rino kuti ndakabatwa nemurume wangu Mthendeleki ndichipomba naMpofu. Ini baba vekwangu vanondiuraya nenzara nekuti vanopedza nguva vari kunanamaiguru vangu vozouya kwandiri vasisina rudo. Vanondisiya nenzara nguva dzose, saka ndini ndakatozopfimba VaMpofu kuti vapote vachindibatsira,” akadaro Locadia zvikaita kuti dare rose riti bvu-u kuseka.

Limol Mthendeleki aine mudzimai wake, Locadia Mthendeleki mudare. —  Mifananidzo: Freedom Mupanedemo
Limol Mthendeleki aine mudzimai wake, Locadia Mthendeleki mudare. — Mifananidzo: Freedom Mupanedemo

Locadia akange anzi nedare iri ape divi rake mushure mekunge murume wake ati anoda kuripwa nemombe shanu naMpofu nekuda kwemhosva yekudanana nemudzimai wake.

“Ini ndini mukadzi wavo (Mthendeleki) wechidiki. Zvino pane kuti vapedze nguva vari kwandiri, vanoipedzera kunanamaiguru.

“Takavakidzana naVaMpofu saka ndaigaroenda kumba kwavo kunotandara tichitamba redhiyo nekuti nguva zhinji murume wangu anenge asipo. Takazobvumirana naVaMpofu kuti vapote vachindipedza nyota sezvo ndakange ndavaudza dambudziko rangu,” anodaro Locadia.

Limol akasetsa dare apo akati ichokwadi kuti haagutse Locadia uye kuti mudzimai wake anomuda chaizvo kunyangwe zvake achiita zvechipfambi.

Mpofu achipa huchapupu hwake mudare
Mpofu achipa huchapupu hwake mudare

“Hongu ndinobvuma kuti ndinotora chinguva ndisati ndaenda kumudzimai wangu uyu.

‘‘Asi mukadzi wangu ndinomuda kunyangwe aita zvechipfambi kudai. Handingamurambe nekuti ndini ndine mhosva yekusamugutsa,” akadaro Limol.

Mpofu akaudza dare kuti Locadia ndiye akatomutsvetsva mushure mekunge auya kumba kwake achitamba mhanzi yaairidza paredhiyo kwemazuva akawanda.

Anoti Locadia pose paaienda kumba kwake, aimukumbira kuti aridze mhanzi paredhiyo yake obva atanga kutamba zvekumukwezva kusvikira mudzimai uyu akazomuudza kuti murume wake haamugutse.

Mambo Njelele vakazotema chirango chekuti Locadia aripe $80 kudare ravo vachiti ainge ashoresa chimiro chemadzimai nekuita chipfambi iye akaroorwa. Vakati Mpofu haafanirwe kuripa kana chinhu kuna Limol nekuti zvaizoita kunge iye naLocadia vari kuita bhizimusi nechipfambi chake.

“Ndinoona sekuti amai ava vane dama guru rekuti murume wavo haasi kuvagutsa izvo zvakakonzera kuti vaite chipfambi. Asi nekuda kwekuti zviito zvavo zvashoresa vakadzi, ndicharipisa amai ava $80 kuitira kuti mangwana vasaita chipfambi.

“Vaifanirwa kutaurira murume wavo kuti awedzere moto mumba pachinzvimbo hekuita chipfambi,” vanodaro Mambo Njelele.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *