Gunduza abura bhuku idzva

Tafadzwa Mutsotso

MUNYORI wemabhuku ane mukurumbira, Munyaradzi Gunduza, akabura rimwezve bhuku idzva renhetembo iro raakapepeta rinonzi Hodzeko Yenduri riine nhetembo dzake nedzevamwe vananyanduri gumi nevana.Muhurukuro neKwayedza, Gunduza anoti bhuku iri rine nhetembo dzine madingindira anosanganisira huwori, nzara, upenyu hwevanhukadzi, rufu nerudo.

“Hodzeko Yenduri ibhuku rangu rechinomwe, zvisinei apa ndiri mupepeti nechikonzero chekuti nhetembo dzirimo dzina vananyanduri vadzo. Asi ndine mamwe mabhuku andakanyora anosanganisira Mhinduro Yeuvaranomwe Form 1 kusvika Form 3 uye Ongororo Yenhetembo Shona O-Level,” anodaro.

Anoti bhuku renhetembo idzva iri rine donzvo rekufundisa vana vechikoro nevaverengi vanofarira nduri dzerurimi rwaamai.

“Mubhuku iri vananyanduri vari kuedza kuburitsa hudzvanyiri huri kuitwa kuvanhukadzi zvakare kuti vazive kodzero dzavo vasadzvanyirirwe mudzimba nekumabasa.

“Nhetembo inonzi Kukumbira Ruregerero, inoyanika pachena kuti varume vanofanira kukumbira vakadzi vavo ruregerero kana vachinge vavatadzira kwete kuvaitira hutsinye,” anodaro Gunduza.

Pamusoro pezvo, anodaro Gunduza, bhuku iri rine nhetembo dzine chekuita nebumbiro remutemo wenyika yeZimbabwe.

“Rine nhetembo dzinoratidza nhoroondo yemaumbirwo akaitwa bumbiro remutemo wenyika ino kubva mugore ra1979 kusvika 2013. Imwe yenhetembo idzi inonzi Zvekodzero Inhoroondo.

“Chinangwa chenhetembo dzine dingindira iri ndechekudzidzisa vanhu kodzero dzavo uye zvirango zvavanozotemerwa kana vachinge vatyora mutemo,” anodaro Gunduza.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *