Wag yoshanda neParamende

SANGANO reWomen’s Action Group (WAG) riri kushanda nenhengo dzedare reParamende mukurwisa nyaya dzemhirizhonga pamwe nekusimudzira utano hwemadzimai nevanasikana vekumaruwa pasi pechirongwa chinonzi H4+.

Vachitaura pamusangano wavakaita nenhengo dzaParamende muHarare svondo rapera, mukuru weWAG, Mai Edinah Masiyiwa, vanoti vakaona zvakakosha kuti vange vachishanda nenhengo idzi mukukusha mashoko echenjedzo pamwe nekubatsira madzimai nevanasikana vekumaruwa sezvo vari ivo vanogara vari muvanhu vachinzwa zvichemo zvavo.

“Tiri kushanda tiri mumatunhu matanhatu munyika muno tichiona matambudziko eutano ari kusanganikwa nawo nemadzimai nevanasikana. Mukunzvera kwatakaita, takaona kuti mamwe makiriniki ari kure chaizvo nevanhu uye varapi vashoma.

“Saka takaona zvakakosha kuti tinge tichibata pamwe nenhengo dzeParamende nekuti ndivo vanogara nevanhu mukucherechedza matambudziko ari kusanganikwa nawo mumatunhu aya,” vanodaro Mai Masiyiwa.

Vanoti zvimwe zvipatara nemakiriniki ekumaruwa zvine varapi vashoma zvikuru.

“SepaChirunya Clinic mudunhu reMashonaland Central, takawana paine murapi mumwe chete anoita zvose kurapa varwere nekusunungutsa madzimai. Murapi uyu anoti haaende kuzororo nekuti ndiye oga mushandi aripo.

“Saka takaona kuti kushomeka kwevarapi mumakiriniki kunokanganisa zvakare budiriro munyaya dzeutano,” vanodaro.

Vachitaura pamusangano mumwe chete uyu, vakafanobata chigaro chasachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezveutano, yeParliamentary Portifolio Commitee on Health, VaPrince Sibanda, vanoti komiti yavo ichiri kunzvera kuti ione huwandu hwevarapi vangadiwe mumakiriniki nezvipatara zviri munyika muno.

“Tichiri kuita tsvakurudzo maringe nenhau yekushomeka kwevarapi muzvipatara nemakirinika. Huwandu hwevarapi kubvira muna 1980 hwe33 000 hwatosiyana naiko zvino apo tave nevarapi 23 000, kureva kuti pane mukaha.

“Zvisinei, Hurumende haisati yave kuwanisa mabasa kuvarapi vazhinji vakapedza zvidzidzo zvavo munyika muno nekuda kwezvikonzero zvakasiyana,” vanodaro.

Dzimwe nhengo dzeParamende dzakapinda musangano uyu dzakakurudzira Hurumende kuti iwanise basa varapi vari kupedza zvidzidzo zvavo gore negore senzira yekupedza dambudziko rekushomeka kwevarapi muzvipatara nekumakiriniki.

Ongororo yakaitwa nesangano reHealth Services Board inoratidza kuti varapi 3 000 munyika muno havana mabasa.

WAG iri kushanda munzvimbo dzinoti Gokwe North, Chiredzi, Chipinge, Mbire, Hurungwe neBinga ichibata pamwe nesangano reUNAIDS mukufambisa chirongwa cheH4+.

Kumatunhu aya vagari veko vari kuwaniswa mikana yekurapwa pachena, kuvapa dzidziso pamusoro penzira dzekurera mhuri, kuchecheudzwa, kuvhenekwa gomarara nekurwisa nyaya dzekuroodzwa kwevana vachibatsirana nemadzishe eko.

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×