NDINI UYO: AMANDA Ngoma

Ndine makore 21 okuberekwa uye mutupo wangu ndiMachuma. Ndine vanakomana vaviri, Roy naRayn. Ndinovenga vanhu vanoita sevanondifarira ivo vasingandide uye handina hukama nevanhu vanoda kutarisira vamwe pasi zvisinei kuti vanowana zviri nane muupenyu. Yambiro yangu kuvanhu vakadai ndeyekuti upenyu ivhiri hunotenderera, mangwana hunogona kufuma hwasanduka zvekuti unenge wava kupfugamira munhu wawaitarisira pasi.

Ndinofarira vanhu vanopupura kunaka kwezita raMwari kuburikidza nehupenyu hwavanotipa misi nenguva.
Pari zvino ndiri kushingaira kuwedzera dzidzo yangu kuti ndigone kuva neramangwana rakajeka.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×