– Ndini uyo –

MARTILDER (2)Matilda Changodza
NDINE makore 34 ekuberekwa ndichibva mubhuku raChimatira kwaShe Nyamweda, kuMhondoro. Ndinofarira basa rangu rekushanda muchitoro iro ndakatanga ndichangobva kuchikoro.
Zvisinei kuti ndinoshanda nemari zhinji mazuva ose, handina chipo chekutora zvisiri zvangu izvo zvinoita kuti murungu wangu avimbe neni. Ndiri munhu akazvigarira, handina murume asi hazvireve kuti handinawoka wandinopa rudo. Varipo varidzi vemusha, ndinoita rwekupakura kune wandinoda uyu. Vandisingafariri ndeavo vanofunga kuti mudzimai wese asina kuroorwa inzenza.

Munhu wandinoda ari pamoyo wangu mwana wangu mumwe chete, uyo ndakaita kwete netsaona asi nekuda.

Ikurudziro yangu kune vamwe vasina kuroorwa seni kuti ngavatsvage varume vavanodanana navo voga kwete kubvutira vamwe nekuti zvine makuva nekuvengana. Pakudya ndinofarira mupunga une dovi, nyama yehuku neyetsuro yakaomeswa. Chingwa chizere nejamu nemargarine nesvutugadzike ine mukaka wakawanda zvinondifambirawo.

Pakugeza nekuzvishambidza ndinozvitemba nekuti ndinokwikwidza pane vamwe vakadzi, pamusoro pezvo mbatya dzacho ndinadzo, iyo mvura ichindibvuma.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×