‘Ndinobuda mumba usiku ndisingazivi’

Kingstone Mapupu

MUKOMANA anogara mumusha weSally Mugabe Heights, muguta reHarare, kumusha achibva kuDomboshava, anoti akapinzwa muSatanism nehama yake yepedyo yechidzimai, izvo anoti zvave kukonzera kuti abude mumba usiku asingazivi, achienda kumadziva uko anosangana nevamwe vanoita zvemanjuzu uye kuzobengenuka ave kunzvimbo dziri kure.

Munashe Ngwerume (18), uyo ari kutsvaga kubatsirwa, anoti zuva rekupera kwemwedzi woga woga anoerekana abuda mumba zvaasingazivi, magonhi akakiiwa, ongoerekana ave kunze kwemusha kana kutoenda kunzvimbo dziri kure. Dzimwe nguva anenge atori kunze kwenyika.

“Ndakatanga ndichiita sekurota ndichienda kumvura, ndokuzofambawo, ndikataurirwa kuti ihama yangu yepedyo yakandipinza mubasa iri remanjuzu rekuenda kumvura. Ndinobuda mumba ndisingazivi, madhoo akakiiwa, ndichishandisa simba rekumvura iri. Handizivi kuti ndinobuda ndiri mhepo here kana kuti nesimba rerudzii. Ndinozopepuka ndiri kwandiri kana kuti ndatodzoka pamba. Pakupinda ndinotozotaurira vari mumba kuti vandivhurire,” anodaro Ngwerume.

“Dambudziko iri rekubuda panze rinoitika pakati pousiku kana kunze kwave kuedza, apo ndinotanga kunzwa izwi rechidzimai rehama yangu yepedyo richindishevedza. Vanenge vachiti huya tiende, tanonoka. Ipapo handizivi zvinozoitika, semunhu anenge akakotsira. Ndinozongoerekana ndave kunzvimbo dziri kure kana kuti ndadzoka pamba ndichida kupinda mumba makakiiwa, ndozoshevedzera, ndovhurirwa nevanenge vari mukati. Pavanondibvunza, dzimwe nguva handigoni kuvadavira; shaya dzangu dzinobatwa,” anodaro Ngwerume.

Anoti kare aimbotaurira vanhu vaanogara navo kuti anobuda mumba, oyerekana ave kune dzimwe nzvimbo, izvo anoti vairamba kuti ndezvechokwadi.

“Vanhu ava vakazotanga kumuka pakati pousiku vachitarisa mumba mandinorara, umo vaiwana ndisimo. Vaizogarira kudzoka kwangu, apo vaizowana ndave kushevedzera ndiri panze, vondivhurira. Ndairota ndiri kumvura asi mbatya dzangu dzaisanyorova; ndaingodzoka dzakanaka,” anodaro Ngwerume.

Mukomana uyu anoti nokuda kwedambudziko iri pane imwe nguva yaakarara manheru, rechimangwana racho ndokuzoerekana ave kuSouth Africa, uko asina kuziva kuti akange asvika sei.

“Ndakarara, ndokukotsira nguva dzekuma9 usiku, apo ndakazongoerekana ndave munyika yeSA rechimangwana racho, munzvimbo yandisingazivi. Ndakatozobvunza ndiri ikoko, ndokutaurirwa kuti ndaive kuSA, ndikavhunduka, ndikazodzoka kuno ndichiita zvekunzvenga mapurisa eko. Ndakasvikotaurira vandinogara navo nevamwe nezvenyaya iyi. Kunyange nanhasi nyaya iyi inovanetsa kutambira,” anodaro Ngwerume.

Anoti akadarika nenzvimbo ine mhepo inopisa zvakanyanya anobva aziva kuti vamwe vake vekumvura vanenge vari panzvimbo iyoyo.

“. . . kuvaona ndakasvinura hazviitiki; ndinoita zvekurota chete nekuzosvinura ndave kure. Nokuda kwedambudziko iri, rekutorwa ndichiendwa neni kwakasiyana-siyana ndakakotsira, ndakazotadza kunyora Fomu 4. Ndinoda kudzokera kuchikoro nokuti ndaitogona zvekudaro,” anodaro Ngwerume.

Mukomana uyu kune kwaari kubatsirwa, uko akabatwa nemweya wemumvura, ndokutanga kurutsa mvura.

Akarambisisa kuti Kwayedza itaure nedzimwe hama dzake, achiti ndiko kune vaikonzera dambudziko rake.

“Kutaura chokwadi, kubuda kwandinoita mumba nemaendero angu kunzvimbo dzakasiyana-siyna handiazivi. Kuti ndinofamba nemhepo here kana kuti ndinokwira rusero kana kuti ndinofamba sei handizvizivi. Pandakanosvika kuSA zvinoreva kuti ndakatotangira vaive mumabhazi chaiwo panguva yacho yandakazoona ndaveko,” anodaro Ngwerume.

 

 

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×