Mathew Masinge
MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mikurumbira uyo ahwina mibayiro yakawanda, Reverend Togarepi Chivaviro, anotenda kuti aita zvakakwana mukurwisa maonero asina kunaka anoitwa neveruzhinji pamusoro pevagari vekuGokwe, kudunhu reMidlands.
Rev Chivaviro akaparura dambarefu rake idzva kuGokwe inove kunzvimbo yaakaberekerwa, akakurira uye kwaakatangira basa rake rekurairidza kuchikoro.
Akaparura dambarefu rake rechimakumi maviri nemaviri, rinonzi ‘Nyasha DzeGokwe’, panzvimbo yeLeisure Lounge kuGokwe neMugovera wadarika pamberi.
Dambarefu iri, iro rine nziyo nomwe, rinorumbidza kwakabva muimbi uyu uye richiratidza ruremekedzo kuvanhu netsika dzekuGokwe.
Achitaura panguva yekuparurwa kwedambarefu iri, Rev Chivaviro akavimbisa kuunza tariro yakawanda nebudiriro huru kumusha kwake.
“Ndine mufaro kuti ndaita chimwe chinhu chekubatsira vanhu vekuGokwe, uye chiitiko chekuparura uku chiratidzo chezvinhu zvikuru zvichauya mune ramangwana.
“Kungofanana nekuti nyasha dzaMwari dzakandiwana ndokundishandura, pasinei nekuti ndakabva kuGokwe, zvimwe chetezvo zvinogona kuitika kune chero munhu, pasinei nekuti vamwe vanhu vanoona sei mamiriro ezvinhu anenge akatarisana newe,” anodaro Rev Chivaviro.
“Maererano nezviri mubhaibheri, Jesu Kristu akaberekerwa muBheterehema, nzvimbo iyo vashoma vaifunga kuti yaizozvarwa Mesiya.
“Ndiri huchapupu hwekuti Mwari vakandipa nyasha ndichibva kuGokwe,” anodaro Chivaviro.
Nhanganyaya yedambarefu iri kambo kanonzi ‘Nyasha DzeGokwe’, ako Rev Chivaviro akaimba pamwe chete naObert Chari.
Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzinosanganisira ‘Munhu Anochinja’, ‘Messiah Sunungura’, ‘Hallelujah Hossana’, ‘Ndoenda Kudenga’, ‘Simudzayi Pfungwa Dzedu’ uye ‘Mukandituma Handirambe’.
Vamwe vaimbi vakaita saBlessing Shumba naRumbi Zvirikuzhe vakaimbawo pakuparurwa kwedambarefu iri.
Gurukota rezvedzimba nezvivakwa zveveruzhinji, Professor Paul Mavima, avo vanobva kuGokwe zvakare, ndivo vaiva muenzi mukuru pachiitiko ichi.
“Musatenda makuhwa ekuti Gokwe inzvimbo yevanhu vasina dzidzo; isu tiri chikamu chematunhu anoburitsa chikafu chakawanda munyika muno.
“Tinoda kuti zvizvarwa zvinotevera zvinzwisise kuti Gokwe yakakomborerwa uye inogona kuburitsa vanhu vane mukurumbira vakaita saRev Togarepi Chivaviro nevamwe.
“Tinokoshesa zvakaitwa naRev Chivaviro uye tinokurudzira vamwe vanhu vane mukurumbira kuti vagare vachirangarira kwavakabva,” vanodaro Prof Mavima.




