‘Ndinoda $4 000 yemendenenzi’

us dollarsVANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati aida mendenenzi ye$4 000 pamwedzi yekuchengeta mwana mumwe chete kubva kumurume wake uyo waakati anoshandira kunyika yeRwanda achitambira US$6 000.
Blessing Chigura akaendesa Twirai Lister Katsvairo kuHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta mwana wake.
“Ndinokwanisa kushanda kuti ndizvichengete asi iye akandirambidza akati ndigare pamba ndichichengeta mwana. Iye anoshandira kuRwanda uko anopihwa mari yakawanda inoita US$6 000 pamwedzi.

“Ndinogara naamai vake, vanin’ina vake nehanzvadzi dzake saka tinodawo kudya tichiguta, handisi kuti abhadhare mendenenzi yavanhu vese ava asi kuti chandinodya ndicho chavanodyawo. Ndinoda mari yekutenga airtime, ndinomufonera mazuva ese nekuti ndinenge ndamusuwa uye mwana anenge achidawo kutaura nababa vake mazuva ose.

“Nekudaro ndinoda $4 000. Ainge asisatengere mwana mbatya nekubhadhara mari yekuchikoro akatozobhadhara pandakamupa mapepa ekuti auye kudare.”

Chigura akaenderera mberi achiti iye nemwana wake vanoda kuendawo kushanyira nzvimbo dzakasiyana- siyana pazororo saka aida US$500 pamwedzi.

“Saamai vanozviti vane musha wavo ndinenge ndichida kumboendawo kuMbare kunotenga-tenga, shuwa ndingati pandinoda kutenga shuga kana mabanana emwana ndomufonera ari kuRwanda?” akadaro Chigura.

Katsvairo akaramba zvitaurwa naChigura achiti:
“Ndinobhadhara rendi, magetsi, mvura nemari yechikoro yemwana pamwedzi. Mwana haasati ambodzingwa kuchikoro nekuti handina kubhadhara mari. Zvaari kutaura zvekuti mwana anoda kushanya hatiite izvozvo, mumba medu pazororo tinoenda kumusha.

“Nyaya iri pano haisi yekuti munhu uyu ari kuda mari yemendenenzi asi kuti anoda kutongera mari yangu. Ndaimbotumira mari kwaari asi pandaiuya kuno ndaiona aine zvikwereti zverendi, magetsi nemvura ndoshaya kuti mari yaishanda chii.”

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Katsvairo abhadhare US$100 pamwedzi.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×