‘Ndinoda kutambira maGems’

Abel Ndooka

MUTAMBI wenetball ari kusimukira wepachikoro cheMpopoma High School, kuBulawayo anoti shuviro yake kuzotambira chikwata chenyika chemaGems mune neramangwana.

Zvichitevera kudadisa kwakaita chikwata chemaGems kumakwishu eVitality World Cup ayo akaitirwa kuLiverpool, kuEngland nguva pfupi yadarika, mutambo uyu wave kuteverwa nevanhu vakawanda avo vanosanganisira Nicole Ayanda Muzanenhamo (17).

Nguva pfupi yadarika, Muzanenhamo akavhoterwa kuve Player of the Tournament kumakwikwi eStella Netball Tournament ayo akaitirwa kuGweru.

Mutambo uyu wakazohwinwa nePamushana High School iyo yakakunda Chibi mufainari.

Muhurukuro neKwayedza, Muzanenhamo anoti maGems akapa shungu kuvatambi venetball vari kusimukira.

“MaGems akatifadza nyika yose uye isu sevasikana vechidiki vari kusimukira mumutambo uyu zvinotituma kuti tishande nesimba sezvo tichiona kuti mberi uko kune chiedza chakanaka.

“Ini remangwana rangu ndinoda kuzotambira maGems uye ndizvo ndiri kutoshanda ndakatarisa nekuti zvinouya nemikana yakawanda yakasiyana,” anodaro Muzanenhamo.

Kasikana aka kanoti kanoyemura zvikuru mutambi wemaGems – Felistus Kwanga – uyo akakurira kuBulawayo uye aive muchikwata chemaGems chakaenda kuLiverpool.

“Ndinotevera chaizvo Felistus Kwanga, ndinomutora sasisi vangu saka ndinoda kusvika paasvika mumutambo uyu.

“Kwanga akapfuura nemumitambo yakasiyana kusanganisira Stella Tea U17 Tournament, iniwo ndikaitambawo saka ndiri kuona kuti ndiri kufamba mugwara chairo,” anodaro Muzanenhamo.

Parizvino Muzanenhamo ari kutambira zvikwata zvakasiyana zvenetball kuBulawayo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *