‘Ndinoda madhongi angu!’

Freedom Mupanedemo ari kuMBERENGWA
MURUME wekwaMambo Mataruse, kuMberengwa, akapona neburi retsono apo motokari yerudzi rweToyota pick-up yakadhumirana nemadhongi aaityaira ayo aidhonza ngoro zvikaita kuti madhongi aya afire panzvimbo.

Tsaona iyi yakaitika paMataga Growth Point,

kwakare kuMberengwa, kuri kumanheru kwevhiki rapera.

Mutyairi wemotokari iyi, VaCarlson Shirichena, vanonzi vakapona nepaburi retsono mutsaona iyi asi motokari yavo yakaparara zvekuti yakatozodhonzwa kubva pakaitikira tsaona iyi.

VaEdmore Zhou, avo vaityaira ngoro yemadhongi, vanonziwo vakapona nekusvetuka mungoro panjodzi iyi.

Vakaona tsaona iyi ichiitika vanoti pakaita bongozozo apo VaZhou vaipomera VaShirichena mhosva asi ivowo vachiti mutyairi wemadhongi aifanirwa kusafamba mumugwagwa kunze kwasviba nekuti ngoro yake yainge isina moto wekuvhenekera mumugwagwa.

“Pakaita batai batai apo vaviri ava vainakurirana mhosva.

‘‘VaZhou vaipenga vachiti vanoda kuripwa madhongi avo akange afa asi avawo VaShirichena vachiti iye aisafanirwa kufamba nengoro kwasviba uye anotofanirwa kugadzirisa mota yavo yakaparara mutsaona iyi,” vanodaro VaNorman Shumba.

Vanoti nyaya iyi yakatokwidzwa kudare raMambo Mataruse.

Vachitaura neKwayedza, VaZhou vanotsinhira nyaya iyi vachiti vanotoda kuripwa madhongi avo naVaShirichena.

“Ndakaendesa nyaya yangu kudare uye ndinodaira kuti mambo vachatonga kuti ndiripwe madhongi angu.

VaChirichena ndivo vakauya kurutivi rwangu vachiedza kunzvenga makomba ndokubva varovera pangoro vakauraya madhongi angu. Ini ndinoda madhongi angu, ndokusaka ndakaenda kudare,” vanodaro VaZhou.

Mambo Mataruse vanoti vachiri kuzeya nyaya iyi kuitira kuti vaone kuti vangaitonge sei.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *