Ndinonzwa sendirere nemunhu

MUBVUNZO:

Makadii veKwayedza? Ndine dambudziko rekunzwa sendakarara nemunhu husiku nemasikati pasina zororo, nyangwe ndakasvinura. Chingava chii chiri kuitika kwandiri? Ndibatsireiwo ndapota.

MHINDURO:

Iwe muzukuru nevamwe vazukuru vangange vachisangana nematambudziko akadai, uku ndiko kunonzi kushandiswa kwakaipisisa nemishonga kana kuti Satanisim.

Vanhu vanoshandiswa nenzira yakadai vane dambudziko rekusaroorwa kana kuroora, kushaya mbereko, kubva kwemimba, kubara vana vachifa, kuparara kwedzimba – kuroorwa wechirambwa, hurombe, hurombo, kusemwa nevarume kana nevakadzi uye kushaye mabasa.

Zvinozoitika pamuviri wako nekufamba kwenguva ndezvekuti chibereko chinokuvadzwa nemweya uyu, unozonzwa  chibereko chorwadza nepazasi peguvhu, musana wotangazve kurwadza. Dzimwe nguva chibereko chinoguma chobuda mvura yakachenuruka, kana inenge yakasangana neropa. Marwadzo aya anoite kunge munhu ari kuita bonde, gume wotanga kuseme varume.

Kana ukanonoka kubatsirwa upenyu hwako hunoramba uchiparara, unogume wave kubuda ropa rakawanda uye risingagumi. Vamwe vanopedzisira vave negomarara rechibereko kana aya anonzi ma”fibroids”.

Kana uri kushandiswa nemweya yakaipa iyi, inotoda kudzingwa kuchivanhu nekuti kuchipatara hazvirapiki.

Iwe muzukuru batsirwa muchivanhu uye kana usina vaunoziva, svika kumahofisi eZinatha ari pedyo newe vanokubatsira. Usangoenda kuvanhu vose-vose nekuti vamwe matsotsi.

 

. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *