Ndinopengesa Mbavha: n’anga‘. . . zvinhu zvabiwa zvichidzoka’

Malven Mugadzikwa
N’ANGA yechikadzi yekwaMurehwa inotsidza kuti ine mushonga wekuranga mbavha uyo unoita kuti kana tsotsi rikabira munhu, rinodzosa zvinhu zvaraba apo rinenge rorasika njere. Mbuya Svotesai Matope (63), avo vanozivikanwa nekuti Mai Tsitsi, munzvimbo dzakakomberedza bhuku raChisaya, kuMutawatawa, vanoti vane mushonga wavanoshandisa mukuchipisa mbavha.

“Ndinobudirwa nemudzimu wasekuru vangu, saka ndiwo unondiratidza makwenzi kana kuti mishonga yandinoshandisa. Kana munhu akabirwa, ndinomupa gwenzi (mushonga) rangu ndomuti anoisa mumba kana panzvimbo yakabiwa zvinhu.

“Ipapo anobva apfungaidza achitaura zvandinenge ndamuudza. Pasina nguva refu, mbavha iyoyo inodzoka yazungaira ichiita seyava kupenga iine zvinhu zvose zvainenge yaba,” vanodaro Mbuya Matope.

Vanoti vane mishonga yavanoshandisa mukupedza dambudziko rekurasa njere rinenge rasangana nembavha inenge yaba.
“Pandinopa munhu abirwa gwenzi rangu, ndinobva ndamupa zvakare nemushonga wekuti abvise kupenga kuya. Kana abirwa azofungawo hake kuita hutsinye anomusiya akadaro asi vazhinji ndinovakurudzira kuti vabvise kuzungaira kuya nekuti zvinogona kuzovakanganisawo ivo.

“Munhu chero akaba akaenda kunze kwenyika, akangopfungaidzirwa mushonga wangu, anokwira chero ndege kudzoka nezvinhu zvaanenge aba. Munhu wandakapedzisira kubatsira gore rino ndemumwe mudzidzisi akanga abirwa midziyo yake yaisanganisira solar panel uye mbavha yacho yakazodzoka nezvinhu zvacho zvose.

“Kune vamwewo varwere vanouya nematambudziko akasiyana asi kana ndisingazvikwanise ndinoti vaende kune vamwe kana kuchipatara.”
Mbuya Matope vanoti vane zvimwewo zvavanobatsira mukurapa kwavo zvakaita sechirwere chemanyoka, kurapa mazino uye nevanhu vanenge vasungwa vachipomerwa mhosva dzavasina kupara.

Mbuya Matope vanoti vanombosangana nedambudziko rekushaya chekufambisa kunobatsira vanhu vanenge vari kunzvimbo dziri kure sezvo vakaremara mitezo.

N’anga iyi ndeimwe yemamwe magodobori pamwe nemaporofita akapihwa magwaro nesangano reNational Aids Council (NAC) nguva pfupi yadarika mushure mekupedza zvidzidzo zvine chekuita nemabatirwo evarwere vane HIV neAIDS.

Kunze kwaMbuya Matope, kune dzimwe n’anga nemaporofita vanoti vanokwanisa kuranga mbavha, kusanganisira VaPatrick ‘Sekuru Bhaureni’ Kapfunde (42) vekuMt Darwin, kunyangwe zvazvo Kwayedza isati yamboita hurukuro nevamwe vanopupura kuti vakabatsirwa nen’anga idzi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×