Musikana wekumera hohwa akatiza nekasvava

Kingstone Mapupu
MUSIKANA uye wechidiki wemuHarare, uyo wekubuda muKwayedza masvondo matatu adarika achipupura kuti anoita zvechipfambi izvo zvava kuita kuti amere zvinhu zvinenge hohwa kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha nemumwe murume waasingazive, anonzi akatiza pamba nekasvava kake uye hama dzake dziri kumutsvaga.

Tarisai Batoni (20) wepanhamba 4809 Glen Norah A aive nepamuviri paanoti haazive muridzi wapo apo akazosununguka mwana mukomana svondo rapera pamberi.
Tarisai inherera, izvo zvaanoti ndizvo zvakamuita kuti aite zvechipfambi.

Hama dzemusikana uyu dzinoti svondo rakapera akazotiza nekasvava aka ndokuenda kusina anoziva.
Tete vaTarisai, Mai Elby Batoni, vakatsinhira kushaikwa kwemuzukuru wavo pamba vachiti havasi kuziva kwaari nekasvava kake.

“Tarisai akashanyirwa nevamwe vasikana vaviri vaaiti ishamwari dzake avo vakazomuti avaperekede, ndokutakurana nemwana tichiti aidzokera padyo. Vakabva vaenda zvachose. Takamhan’ara kumapurisa ekuGlen Norah nekuti tinotyira kuti anogona kuuraya mwana kana kuita zvimwe,” vanodaro tete vaTarisai.

Vanoti mishonga yake yaanonwa yekurapa maronda aakavhiiwa paakasununguka nemimwe akaisiya.
“Tine fungidziro yekuti akadzokera kumasahwira ake evasikana avo aiita zvechipfambi navo kwavanoti kumabhesi kuGlen View 1. Kune vanoziva kwaari vanogona kutibatsirawo kuti tiwane mwana uyu.”

Tete ava vanobatika panhamba dzinoti 0777 386 083.
Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuongorora nyaya iyi.

Tarisai anoti akatanga kumera zvinhu zvinoita kunge hohwa mushure mekushinha nemumwe murume wekuSouth Africa uyo anofungirwa kuti akamushandisira mishonga yakaipa.
Asi vezveutano vanoti Tarisai ane mhopo, dzinogona kukonzerwa nehosha dzepabonde.

Related Posts

Mudzimai (27) opika mwedzi 8 mujeri nekuda kweshanje . . . akapamba vasikana 2 achivapomera kudanana nemurume wake

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wemubhuku raNechiva kuDema, kwaSeke – Noreen Mandevane (27) – akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi misere izere mushure mekubatwa nemhosva yekupamba vasikana vaviri uye ndokuvatorera nharembozha dzavo achiti vanodanana…

Varidzi ve‘brewery’ inobika doro zvisiri pamutemo vasungwa

Raymond Jaravaza MAPURISA ekuBulawayo akasunga mumwe murume nemukadzi nemhosva yekubika doro rinonyanya kuzivikanwa nekunzi ‘njengu’ pamuzinda wavo uyo usina kunyoreswa zviri pamutemo pakati peguta iri. Murume nemukadzi uyu vakavharirwa mutirongo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×