‘Ndinorikitwa nemukadzi’

Sandy Musungata
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati aimbova mukadzi wake anouya kumba kwake omurova achida mari zveginya yekuchengeta mwana wavakaita vose. Luke Makarata akaudza mutongi weHarare Civil Court kuti aimbove mudzimai wake, Dadirai Donga, ari kumuonesa pfumvu nekumurova nguva nenguva.

“Changamire, amai ava vanondishungurudza nekundirova pamwe nekunditukirira nenyaya yekuchengeta mwana. Pese paanouya achida mari anongosvika achipopota zvekuti hapana kuzotaurirana kwatinozoiita.

“Nenyaya yematauriro aanoita neni, ndakatomuudza kuti handikupe mari yekuchengeta mwana wacho kuti apfidze,” akadaro Marakata.

Marakata akabvuma mushure mekunge abvunzwa nedare kuti haachengete mwana uyu nechikonzero chekuti Donga ane mukanwa makafira nyoka.

“Handimupe kana kobiri rekuchengeta mwana nekuti haagone kuuya kwandiri akazvirereka. ” akadaro Makarata.
Donga akaramba zvaitaurwa.  “Kana iri nyaya yekuti ndinomutuka manyepo asi kuti tinotukana iye anenge atanga.” akadaro Donga.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa gwaro redziviriro kuna Makarata akati vaviri ava vagadzirisane nyaya yekuchengeta mwana wavo zvisina mhirizhonga.

Gwaro iri harirambidze Donga kusvika pamba paMakarata.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×