‘Ndinorohwa nanyachide’

Yvonne Chipato
SAMUSHA ane chipari chevakadzi vashanu wekugara achirikitwa nanyachide akazopotera kudare achiti aoneswa chakati tende.
Tafadzwa Moyo akamhan’arira mudzimai wake, Chipo Nota, kuHarare Civil Court achiti anomuzvambaradza pose paanoenda kunoona vamwe vakadzi vake.

“Mukadzi uyu andishaisa rugare, anondirova pamwe nekundishungurudza. Ndine vakadzi vashanu vandinogara navo mai ava vari vekupedzisira. Pavakadzi vangu vese mukadzi uyu anditambudza. Ane shanje dzakanyanya nekuda kwevamwe vakadzi vangu, anoda kuti ndirambe ndiri mumba make chete asi achinyatsoziva kuti ndine barika.

“Ndikaendawo kudzimba dzevamwe vakadzi vangu anondizvambaradza pamwe nekunditukirira pamberi pevana. Zvava kukonzera kusawirirana pakati pangu nevamwe vakadzi vangu avo vanodawo kupihwa kodzero dzavo,” akadaro Moyo.

“Hama dzangu chaidzo dzava kutya kuuya pamba pangu. Imwe nguva akandirova ini pamwe chete nevanin’ina vangu nekuda kwehasha dzake dzaasingakwanise kudzora. Hongu, dzimwe nguva ndinotsamwawo semurume ndosvika pakumudzosera asi nguva zhinji ndiye anenge atanga kundirwisa,” akadaro Moyo.

Achipawo divi rake, Nota akaramba kuti anorova kana kutuka Moyo ndokuti:
“Changamire, baba ava vanondinyepera. Ini handivarove kana kuvatuka asi kuti ivo ndivo vanondishungurudza nekundirova. Ndiri munhu wemukadzi ndiri kushamisika kuti vangati ndingavarova ivo pamwe chete nehama dzavo, vanondinyepera handina simba rekurova varume vatatu ini.

“Nditori nenyaya iri kumapurisa yekundirova pamwe nekundishungurudza kwandinondiitwa nababa ava. Ndinogara ndiine misodzi pamatama nekuda kwemabasa ake.

“Ndatova nemwedzi ndatorwa nevabereki vangu ini pamwe chete nemwana nekuda kwekugarozvambaradzwa kwandaiitwa naMoyo. Anoti ndinomushungurudza sei ini ndava kugara kumba kwevabereki vangu?” akadaro Nota.

Mutongi Audrey Tarugarira akarasa chikumbiro chaMoyo chegwaro redziviriro achiti haana umboo hunoratidza kuti anoshungurudzwa naNota.

 

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×