Vakapihwa mibairo neunicef nefao

MASANGANO anoti reFood and Agricultural Organisation (FAO) neUnicef svondo rapera akarumbidzwa nekusimudzira kwaari kuita dzidzo muZimbabwe kuburikidza nekubatsira vana vanoshaya, zvikuru kumaruwa.
Pembedzo iyi yakabva kunaDistrict Education Officer weMutoko, VaCreezin Chofamba, apo vaitaura pakupihwa kwemibairo kuvana vakakunda muzvidzidzo nemitambo pachikoro cheChimurenga Secondary School, kwaMutoko.

“Tinopa kutenda kukuru kumasangano anoti FAO neUnicef mukutsigira kwavakaita vana vedu nezvekushandisa muzvikoro. Vakavapa zvinhu zvakakosha zvinosanganisira mabhegi ekutakurira mabhuku, mathematical kit, zvinyoreso, nemavocha emari dzechikoro,” vakadaro.

Vakati vana vanodzidza kumaruwa vari kusangana nematambudziko mazhinji akaita sekushaya mari yechikoro pamwe nekufamba nzendo refu pakuenda nekudzoka kuchikoro.

“Tine vana nherera vakawanda, vamwe vakasiiwa nevabereki nekuda kweHIV, vasina vatariri nekudaro vamwe vanopedzisira vave kusiira chikoro panzira nekuda kwekuti vanenge vasina mari dzechikoro. Tiri kushanda nemasangano akasiyana ari kutsigira vana muzvikoro uye Hurumende iri kubatsirawo nherera nechirongwa cheBeam,” vakadaro.

Vakati mugore ra2011 zvikoro zvesekondari zvemudunhu iri zvaive nechikamu che16,5 percent chevana vakakunda pabvunzo dzeO-Level icho chakazokwira kusvika pa20,6 percent gore rapera.

“Tiri kuramba tichisimukira mudzidzo nekuda kwekuti vadzidzi vari kubatsirwa nemabhuku ekuverenga pasi pechirongwa cheUnicef neHurumende uye tiri kutarisira kudarika apa mugore ra2014 nekuti tine zvirongwa zvekusimudzira dzidzo yevarairidzi nezvakadai seE-Learning nekuvafundisa kushandisa makombiyuta,” vakadaro.

Vamwe vadzidzi vakawaniswa mibairo vakatenda zvikuru rutsigiro urwu.
“Tinofara zvikuru nemibairo yatapihwa nekuti kuti mwana adzidze akasununguka anenge aine zvinhu zvakakwana zvekushandisa,” akadaro Valentine Chiutsi, uyo ari kuita Form 1.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×