Ndinosema vasikana

KWAMURI TETE
Makasimba here tete? Ini ndiri mukomana ane makore 28, handisati ndaroora. Dambudziko rangu nderekuti ndinosema vasikana. Ndinogona kutoita hushamwari nemusikana hwakasimba, asi pandinozoda kusvitsa shoko, moyo wangu unobva watotanga kuvenga musikana iyeye.
Asi chinondishamisa ndechekuti nhengo yesikarudzi yangu inongotirimuka pese-pese.
Chingava chii nhai tete? Ndibatsireiwo ndinoda kuwanawo musikana wekuroora.
Shepherd Moyana.
Chitungwiza.

MHINDURO:
Dambudziko rako muzukuru rinogona kunge richikonzerwa nehushereketwa hwemudzinza. Unogona kunge wakapihwa mukadzi wechikwambo, izvi zvinoitwa nevamwe vanoshandisa mishonga yakaipa seyekutsvaga kupfuma. Kazhinji vanogona kunzi nen’anga vatore ivhu paguva remukadzi voriita kuti mweya wake uve muvhimi mumusha umu. Vanobva vavimbisa mweya uyu murume vemumusha.
Chinozoitika ndechekuti mweya uyu unenge wagara pamunhu, hauzoda kuti munhu iyeye aita mudzimai kana murume opedzisira osema vasikana sezvauri kuita. Ukacherechedza wakarara pamwe unotonzwa kuti wanga urere nemunhu kuhope.
Panyaya yekuti nhengo yako inokutambudza nguva nenguva, ndiko kutoshinhirwa kwacho ikoko, unenge uchitoshandiswa.
Zano randinokupa nderekuti ufambe mun’anga dzinoberekesa vanhu zvikwambo. Sewe uri kuChitungwiza, enda kumahofisi esangano redzin’anga reZinatha muHarare avo vachakuudza kwadzinowanikwa nekuti ukangoenda kune wose-wose unopedzerwa nguva.

Tete.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×