Kingstone Mapupu
MURUME ane makore 29 okuberekwa anobva kwaSabhuku Chipakanwa, kwaMambo Marange, kuBocha, kwaMutare, anoti apfidza nekushinhwa naye nenyoka yerudzi rweshato asi ave kutonzwa kuzvifarira.
Archford Chikwariro anoti dambudziko iri rakatanga apo aiva kuSouth Africa kwaaishanda, achigara nemumwe muzukuru wake.
Anoti nyoka iyi inouya kwaari akasvinura, apo anotanga aita madzikirira, angave masikati kana usiku.
“Dambudziko iri rakatanga ndiri kunyika yeSA, uko ndaishanda ndichigara nemuzukuru wangu. Musi wazvatanga, ndakaona hama yepedyo, iyo yaiva kuno kumusha, ndikavhunduka kuti aive asvika kuSA riini uye sei. Murume uyu handina kukwazisana naye kunyangwe zvazvo ndakaedza kumuchingamidza. Akangobva panzvimbo yandakange ndamuona, ndokuenda, ndichibva ndatanga kusangana nenyoka iyi zuva iroro,” anodaro Chikwariro.
Anoti pazuva iroro nyoka iyi yakabva yatanga kuuya kwaari akasvinura, ndokutanga kushinha naye.
“Nyoka iyi inouya ndakasvinura, yoshama, yokabira sikarudzi yangu. Ini ndinobva ndatanga kunzwa kuzvifarira, yondiyamwa kusvikira ndarasa mbeu,” anodaro Chikwariro.
Murume uyu, uyo asati aroora, anoti dambudziko iri rakaita kuti adzoke kumusha, kwaMutare, uko akanozivisa baba naamai nedzimwe hama asi havana kumubatsira.
“Nyoka iyi imwe nguva ndikaedza kuramba zvainoda kuti ndiite inondisunga mbiradzakondo makumbo, yondipunzira pasi, yondishamira kunhengo kwangu, yokabira. Pandinorasa mbeu, inobva yamedza mbeu yacho,” anodaro Chikwariro.
Anoti imwe nguva akada kurwisana nayo, achirara nedumbu kuti ishaye pane sikarudzi yake, inobva yamuita chingochani ichishandisa musoro wayo.
“Ndadzoka kumusha, dambudziko iri rakatokura zvokuti handisisina zororo masikati neusiku; inongouya chero payadira ichishinha neni. Kwandinoita nako tsvina kwave kugara kuchingoshosha sezvo isingandipi zororo,” anodaro Chikwariro.
Anoti nyoka iyi inogona kutanga kushinha naye achangoenda kunorara, kubva na8 usiku kusvika 5 mangwanani.
“Ikazvitanga kwaedza, inogona kundiswerera kusvika manheru uye ikazvitangawo usiku inondidakarira usiku hwose. Ndashaya rugare. Amai vangu vakasvika pakufa vachisiya zvakadaro. Ndangosara nababa chete, avo vasina zvinooneka zvavari kundibatsira nazvo,” anodaro Chikwariro.
Anoti musha wevabereki wake wave dongo sezvo baba vakatizawo pamba nokuda kwechikonzero chaanoti haazivi.
“Vamwe vanababa, vakoma vababa nevanin’ina vavo, vanoti enda unobatsirwa nababa vako vekukubereka. Vanatete, hanzvadzi dzababa, havanawo zvavanoita,” anodaro Chikwariro.
Anotiwo pamusha pevabereki vake akasara achigara ega sezvo vamwe vana vanomwe vaakaberekwa pamwe chete navo vakabvapo.
Vasikana vakaroorwa.
Pakutanga akasara achigara nemukoma wake asi paakazotama, Chikwariro akange ave ega pamusha..
“Pamusha pedu pane masaramusi anoitikapo; panofamba vanhu vasingaonekwi usiku. Panyaya yenyoka iyi, yakakura zvikuru zvekuita sedanda zvokuti painondisunga, yave kushinha neni, mweya unopera; kana kuchema handigoni; izwi rinoenda,” anodaro Chikwariro.
Murume uyu anoti akagumisira kuita musikana ari Fomu 4, rinova gwaro raakagumira.
Anoti ave kutofarira kushinha nenyoka kudarika madzimai.
Chikwariro anoti akazotiza musha apo akakumbira vashandi vebhazi rubatsiro, vakamutakura kuti auye kuHarare, mushure mekurara achishinhwa nenyoka iyi.
“Ndakauya kubva kwaMutare nebhazi rakanditakura pachena, ndichida kuzotaura nyaya yangu kuKwayedza. Izvozvi pandanga ndakakumirirai (veKwayedza), nyoka iyi yatombouya, ikashinha neni. Mumwe murume wandakumbira nhare kuti ndikufonerei ndamutaurira kuti nyoka yauya, akatombotiza asi haana kuiona,” anodaro Chikwariro.
Anoti nyoka iyi inoonekwa naiye chete; kunyangwe ichitoshinha naye, vamwe vanenge varipo havaioni; vanongoona achitamba-tamba muviri wake. Muviri wake anoti waperezeka nokuda kwekushinhwa nenyoka iyi.
“Kwandinofamba ndoga, ndinonzi mweya yakaipa yemumusha medu, pamwewo ndichinzi ingozi yakaparwa mumusha medu. Kumwewo ndinonzi dambudziko iri riri kukonzerwa nevaroyi. Chinonetsa nechokuti nyoka iyi ndinoiona yatove mumakumbo mangu uye ikapedza neni inongonyangarika, saka ndatambura; ndinotsvagawo anondibatsira,” anodaro Chikwariro.
Anoti kudzinza kwake kune vamwe vanhu vakapfuma zvakanyanya.
Kwayedza yakaedza kuti iwane nhamba dzenhare dzedzimwe hama dzemurume uyu ikadzishaya. Chikwariro akati haana nhare, izvo zvinoita kuti asave nepekuchengetedzera nhamba dzehama.
Sekuru Kanengo, VaJimson Nyasala, (45), vemuHarare, vanoti Chikwariro anoita seari kushandiswa nevamwe veukama kuita mari.
“Kumedzwa kunoitwa mbeu yake nenyoka iyi kuita mari kwedzimwe hama dzake. Anoda kubatsirwa nekukasika,” vanodaro Sekuru Kanengo.



