‘Ndinowacha, kutsvaira mudzimai akati pweshe’

Lizzy Mushoriwa —
MURUME wekuendeswa kudare nemudzimai wake achida kuti abvise mari yekuchengeta mhuri akachema-chema achiti mukadzi uyu ane nungo zvikuru zvekuti iye ndiye anotoita basa rose repamba kubvira pakutsvaira mumba kusvika pakuwacha hembe dzevana.

Tadius Chihwai akataura mashoko aya mushure mekunge adhonzerwa kudare reHarare Civil Court nemukadzi wake, Cecelia Mazvivanhanga uyo ari kuda $200 pamwedzi yekuchengeta vana vavo. Mazvivanhanga anoti ari kutambura nekuriritira vana oga Chihwai achipedzera mari kushamwarikadzi.

“Ndinoda kuti baba ava vandipe $200 pamwedzi yekuchengeta vana, nyangwe zvazvo tichigara tese asi ndaona zvakakodzera kuti vandipe mari iyoyo nekuti ivo havasi kukwanisa kuvachengeta. Ini ndinotengesa-tengesa asi mari yangu $20 yandinowana pamwedzi haikwane,” anodaro Mazvivanhanga. Anoenderera mberi achiti Chihwai ndimakanika wemota uye anowana $600 pamwedzi asi anongobhadharira vana $10 pa$60 inodiwa kuchikoro kwavo obva ati zvakwana. “Havabhadharire vana chikoro asi vanowana $600 pamwedzi kubva kubasa ravo rekugadzira mota.

‘‘Vana vari kuenda kuchikoro vaviri chete asi haakwanise kuvapinza chikoro, ini ndaneta nazvo.”

Chihwai anopikisana nemudzimai wake achiti mari yaari kuda yakawandisa uye mazuva ano ari kuwana $80 pamwedzi nekugadzira motokari sezvo kusina basa rakawanda.

“Zviri kutaurwa naamai ava kunyepa, mazuva ano basa rakadzikira zvekuti pamwedzi ndiri kuwana $80 chete. Vana ndini ndinovabhadharira chikoro saka ndiri kushamisika vauya kuno, chikafu ndinotenga asi mari yekuvapa handina. Ndinokwanisa kungoramba ndichibhadhara mari yechikoro chete” anodaro Chihwai

Anoti mukadzi wake ane nungo uye haana kana basa raanoita kumba kwavo asi kuti iye ndiye anotoshanda semusikana webasa pamba.

“Amai ava vane nungo, ini ndini ndinotoita semusikana webasa kumba. Ndinowacha, kusuka, kutsvaira uye kubikira vana ivo vakagara havo,” anodaro Chihwai.Mazvivanhanga akabva amugamha achiti zvose zvaaitaura manyepo.

“Baba ava vanonyepa, ndinongoda kuti vabhadhare mari yevana yekuchikoro sezvo vachingonyimwa mareport panopera temu yoga-yoga. Vane masitendi akawanda zvakare, imwe yacho vanotogarako neshamwarikadzi yavo saka zvinondirwadza izvozvo vana vangu vasingaende kuchikoro,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akati Chihwai abhadhare $80 pamwedzi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×